Vatongi 3
3
1Zvino aya ndiwo marudzi avanhu akaregwa naTenzi arimo okuedza nawo vaIsiraeri vose zvavo vakanga vasina kumbenge vaona hondo ichirwiwa muKanani. 2Zvaingoitirwa kuti vezvizvarwa zvaIsiraeri vagoziva hondo, uye kuti adzidzise kurwa vaya vainge vasati vaziva hondo.
3Marudzi anoti:
madzishe mashanu avaFirisitia
kwouya vaKanani vose navaSidhoni
naHivhi vaigara kumakomo okuRebhanoni
kubvira kugomo reBhaariherimoni
kusvikira toda kupinda kuHamati.
4Vakaregwa varimo kuedza vaIsiraeri kuti kugoonekwa kuti vachateerera here mitemo yaTenzi yakaudzwa madzibaba avo nomuromo waMosesi. 5Saka vaIsiraeri vakatogara zvavo mukati mavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. 6Vaitoroorerana navo vachitonamata zvavo vamwari vavo.
III: NHOROONDO YAVATONGI MAERERANO NEZVAIITIKA PANGUVA YAVO
1. Mutongi Otinieri
7VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo, vakanamata vanaBhaari naAsheroti. 8Naizvozvo hasha dzaTenzi dzakavirukira vaIsiraeri akabva avaisa mumaoko amambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia. VaIsiraeri vakapedza makore masere vachimushandira. 9VaIsiraeri vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mununuri akavaponesa, ainzi Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu. 10Mweya waTenzi wakauya paari akatonga Isiraeri. Akaenda kuhondo, Tenzi akaisa mumaoko ake mambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia akamukurira. Nyika ikabva yava norunyararo. 11Nyika yakabva yava norunyararo kwamakumi mana amakore, ndokubva Otinieri mwanakomana wavaKenazi azofawo zvake.
2. Mutongi Ehudhi
12VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi ndokupa Egironi mambo weMoabhu simba rokuvakurira nokuti vakanga vaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. 13Akakoka vaAmoni navaAmareki akandorwisa vaIsiraeri, vakakurira guta remirara#3:13 Guta remirara: Ndiro Jeriko. rikava ravo. 14VaIsiraeri vakapedza gumi ramakore rina makore masere vachishandira Egironi mambo weMoabhu.
15VaIsiraeri vakazochemazve kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mumwezve mununuri ainzi Ehudhi mwanakomana wavaGera wedzinza rokwaBhenjamini aiva namaboshwe. VaIsiraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu. 16Zvino Ehudhi uyu akazvigadzirira bakatwa rake, muchekakwose chaiwo rakanga rakareba masendimita makumi mashanu. Akaripfekera muhanzu dzake, kuchidya chake chokurudyi. 17Akasvitsa mutero iwoyu kuna Egironi mambo weMoabhu. Egironi uyu aiva rume dindimutibvu chairo kufuta. 18Ehudhi paakati pedzei kuturira mutero uya, akati vanhu vakanga vauya vakatakura mutero iwoyu vachidzokera zvavo. 19Asi iye pachake akadzoka vava kuzvifananidzo zvokuveza zvamatombo zviya zvokuGirigari, akasvikoti, “Mambo wangu, ndine nyaya yandiri kuda kumbotaurawo zvangu nemi kazevezeve.” Mambo ndokuti, “Chimbonyararai.” Vose vaimushandira vakabva vabuda panze vachimusiya. 20Ehudhi aswedera kuna mambo, iye akanga agere zvake ari oga mumba yepanhurikidzwa yapamusoro inotonhorera. Ehudhi akati “Ndine shoko renyu rabva kuna Tenzi.” Mambo akasimuka muchigaro chake. 21Ehudhi akati we-e bakatwa rake noruboshwe kuchidya chokurudyi kuya ndokuti naro bhofo mudumbu ramambo. 22Rakabva rati bherevere zvose nomupakato waro. Mafuta akariti fushe fushe nokuti haana kuribvisa mudumbu make, tsvina ikabva yabuda. 23Ehudhi akati bwa kubuda muberere, zarirei misuo yemba yapanhurikidzwa yapamusoro iya ndokubva asiya ayikiya. 24Kuzoti aenda, varanda vakabva vasvikawo, vakaona misuo yemba yapamusoro yapanhurikidzwa iya yakakiyiwa vakati, “Zvimwe mambo anodaro achizvibatsira zvake mumba yake inotonhorera.” 25Vakamirira kusvikira zvava kutovashayisa mazano, asi paasina kuzarura misuo, vakazotora kiyi vakazarura misuo iya, onei tenzi wavo akati rabada pasi atofa.
26Ehudhi akapunyuka pavaingunomirira paya. Akapfuura pazvifananidzo zvokuveza zvamatombo zviya akatizira kuSeira. 27Paakasvika ikoko akaridza hwamanda munyika yaEfuraimu yamakomo. VaIsiraeri vakaburuka naye munyika yamakomo iyoyi iye achivatungamirira. 28Akavati, “Nditeverei. Tenzi atoisa vavengi venyu vaMoabhu mumaoko enyu.” Vakamutevera vakandogaririra kumazambuko aJorodhani okuenda kuMoabhu hapana wavaibvumira kuyambuka nepo. 29Panguva iyoyo vakauraya mikweshwa yavarume vechiMoabhu vanosvika zviuru gumi. Hakuna kana mumwechete akapunyuka. 30Nokudaro vaMoabhu vakakurirwa navaIsiraeri musi iwoyo. Nyika yakava norunyararo kwamakumi masere amakore.
3. Mutongi Shamugari
31Shure kwaEhudhi kwakauya Shamugari mwanakomana wavaAnati. Iyeyu uyu akauraya mazana matanhatu avaFirisitia, nemhayo yokutinhisa mombe naiyewo akanunura Isiraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 3: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: