Jeremiya 34
34
Shoko rakanangana namambo Zedhekiya
1Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi, izvozvo Nebhukadhireza mambo weBhabhironi nehondo yake yose nenyika dzose dzohumambo hwapasi pano dzaaitonga namarudzi ose avanhu vakanga vachirwisa Jerusaremu namaguta ayo ose rikati, 2“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, enda undotaura naZedhekiya mambo wokwaJudha uti kwaari, zvanzi naTenzi, chiona, ndiri kuisa guta rino irori mumaoko amambo weBhabhironi. Iye acharipisa nomoto. 3Iwe hausi kuzopunyuka mumaoko make, asi uchatobatwa ugoiswa mumaoko make. Uchaonana ziso neziso namambo weBhabhironi mugotaurirana makatarisana uso neuso. Iwe uchaenda kuBhabhironi. 4Asi chinzwa shoko raTenzi iwe Zedhekiya mambo wokwaJudha. Zvanzi naTenzi nezvako iwe: ‘Hausi kuzofa rufu rwebakatwa. 5Uchafa zvako murugare.’ Uye sokupisirwa kwaingoitwa zvinonhuwirira madzibaba ako, madzimambo ekare aya akakutangira, ndokupisawo kuchaita vanhu zvinonhuwira vachiitira iwe vachiungudza kukuchema vachiti, ‘Maiwe changamire!’ Chiripo ndechokuti ndini ndazvireva, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
6Muporofita Jeremiya akataura mashoko ose iwaya kuna Zedhekiya mambo wokwaJudha muJerusaremu. 7Izvozvo hondo yamambo weBhabhironi yakanga ichirwisa Jerusaremu namaguta okwaJudha ose akanga asara anoti Rakishi neAzeka nokuti iwaya ndiwo oga maguta etsvingo okwaJudha akanga asara.
Kuzvipinza nhamo nokusatendeka kuchirevo chorusununguko
8Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi, mushure mokunge mambo Zedhekiya aita chibvumirano navanhu vose vomuJerusaremu kuti avape chiziviso chorusununguko 9chinoti: Munhu wose anofanira kusunungura varanda vake vechiHebheru vechirume kana vechikadzi zvokuti hakuna anofanira kuita kuti hama yake muJudha ave muranda. 10Vanhu vakabvawo vateerera, paiti machinda ose navanhu vose vakanga vapinda muchibvumirano ichochi chokuti: Munhu wose anofanira kuzosunungura muranda wake wechirume kana wechikadzi kuitira kuti varege kuzoitwazve varanda. Vakateerera vakavasunungura. 11Asi pedzezvo norweseri vakatorazve varanda vechirume nevechikadzi vaya vavakanga vasunungura vachivaisa pasi pavo savaranda. 12Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi rikati, 13“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ini ndakaita chitenderano namadzibaba enyu pandakavaburitsa munyika yeIjipiti ndichivaburitsa mumba youranda chokuti: 14‘Kukange kwapera makore matanhatu mumwe nomumwe wenyu anofanira kusunungura mumwe wake wechiHebheru anenge akatengeswa kwauri akushandira kwamakore matanhatu. Murege aende zvake asununguke kwauri.’ Asi madzibaba enyu akaramba kunditeerera kana kurerekera zvavo nzeve kwandiri. 15Imi manga muchangotendeuka matoita chinhu chinondifadza nokutema chirevo chorusununguko mumwe nomumwe mukatoitirana chibvumirano pandiri ini mumba inodaidzwa nezita rangu. 16Asi imi pidigu mon'oresa zita rangu, mumwe nomumwe wotorazve muranda wake wechirume newechikadzi vamakanga mambosunungura maererano nezvidowo zvavo, uye makatovaisazve pasi penyu savaranda venyu. 17Naizvozvo zvanzi naTenzi, imi hamuna kunditeerera nokusaparidzirana kwamaitirana rusununguko kuno mumwe nomumwe wenyu rwokuuraiwa uye kuhama nehama. Chinzwai imi ndava kukuparidzirai rusununguko rwamuchaitwa nebakatwa nedenda neshangwa yenzara ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichakuitai chinhu chinokatyamadza kwazvo kunyika dzose dzoumambo hwapasi pano. 18Ivo vanhu vakatyora chitenderano changu vasina zvisungo zvechitenderano ichocho, chavakaita pamberi pangu, ndichavaita zvinoitwa mhuru yechitenderano inodimburwa napakati kuitwa mapandi maviri vanhu vachibva vazopfuura napakati pamapandi ayo. 19Machinda okwaJudha namachinda eJerusaremu navayuniki navapristi pamwechete navanhu vose venyika iyoyo vakapfuura napakati pamapandi emhuru. 20Zvino ndichavaisa mumaoko mavavengi vavo nomumaoko mevanotsvaka kupfuudza upenyu hwavo. Zvitunha zvavo zvichava nyama yeshiri dzedenga nezvikara zvesango. 21Zedhekiyawo mambo wokwaJudha namachinda ake, ndichavaisa mumaoko mavavengi venyu uye nomumaoko mevanotsvaka kupfuudza upenyu hwavo, uye mumaoko mehondo yamambo weBhabhironi yanga yasuduruka kwamuri. 22Chinzwai, zvanzi naTenzi ndichati vadzoke kuguta rino varirwise varitore vagoripisa nomoto. Maguta okwaJudha, ndichaaita dongo risina ageremo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 34: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: