Jeremiya 37
37
Chichemo chaZedhekiya kune muporofita Jeremiya
1Zedhekiya mwanakomana waJosiya akanga aitwa mambo munyika yokwaJudha naNebhukadhireza mambo weBhabhironi akatonga panzvimbo paKoniya mwanakomana waJehoyakimu. 2Asi iye kana makurukota ake navanhu venyika havana kuteerera zvakataurwa naTenzi nomuromo womuporofita Jeremiya.
3Mambo Zedhekiya akatuma Jehukaru mwanakomana waSheremiya nomupristi Zefaniya mwanakomana waMaaseya kumuporofita Jeremiya neshoko rokuti, “Tinamatirewo kuna Tenzi, Mwari wedu.” 4Izvozvo Jeremiya akanga achiri kufamba fambawo zvake mukati mavanhu nokuti akanga asati aiswa mujeri. 5Hondo yaFarao yakanga yabuda kuIjipiti, izvovo pazvakasvika munzeve dzavaKaridhea vaiva vakatokomba Jerusaremu vakabva vabva paJerusaremu.
6Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya muporofita richiti, 7“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri heinoi mhinduro yokundopa mambo wokwaJudha akakutumai kuzonzwa kuti ini ndinoti kudii. Ndinoti, chinzwai, iyo hondo yaFarao yakauya kuzokubatsirai yava kutoda kudzokera kuIjipiti kunyika kwayo. 8Zvino vaKaridhea vachadzokazve vozorwisa guta rino, vacharitora vagoriroromesa nomoto. 9Zvanzi naTenzi musazvifurire henyu muchizviti, ‘VaKaridhea havachambofa vakatsika kwatiri kuno,’ nokuti havasi kuzorega kuuya kuno. 10Ndinodaro nokuti kunyange mukakurira hondo yose yavaKaridhea vari kukurwisai, zvokungosara kwavari ikoko varwi vakakuvadzwa chete, vari mumatendhe avo, ivavo vaitomuka, vagopisa guta rino nomoto.”
Kubatwa kwaJeremiya nokupfigirwa kwake
11Zvino hondo yavaKaridhea zvayakanga yabva Jerusaremu kudaro nokuuya kwakanga kuchiita hondo yaFarao, 12Jeremiya akasimuka muJerusaremu oenda kunyika yokwaBhenjamini, kundogoverwa nhaka yake pakati pavanhu. 13Paakasvika paSuo Guru rokwaBhenjamini mumwe mugariri wepo ainzi Iriya mwanakomana waSheremiya mwanakomana waHananiya, akabata muporofita Jeremiya achiti, “Kutizira kuvaKaridhea kwawava kuitaka iwe!”
14Jeremiya ndokuti, “Handizvo! Handisi kutizira kuvaKaridhea ini!”
Asi Iriya haana kumbomuteerera, akabata Jeremiya akamuunza kumachinda. 15Machinda akabva apengera Jeremiya nehasha, vakamurova vakamuisa mujeri mumba yomunyori, Jonatani nokuti yakanga yaitwa jeri. 16Jeremiya paakanga aiswa mujeri rapasi, agaramo mazuva mazhinji, 17mambo Zedhekiya akatuma vanhu kundomutora ndokubva amugamuchira. Mambo akamubvunza muchivande mumuzinda make kuti, “Pane shoko rabva kuna Tenzi here?”
Jeremiya akati, “Hongu riripo.” Akabva ati, “Imimi muchaiswa mumaoko amambo weBhabhironi.” 18Jeremiya akatizve kuna mambo Zedhekiya, “Chii chaizvo chandakakutadzirai imi namakurukota enyu navanhu ava chakakonzera kuti mundiise mujeri? 19Varipiko zvino vaporofita venyu vaya vaikutaurira vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haasi kuzokurwisai kana kuzorwisa nyika ino?’ 20Zvino chinzwai imi changamire wangu, mambo! Ndateterera hangu donzwaiwo chichemo changu murege kundidzosera kumba kwaJonatani, munyori uya, ndingadaro ndikafirako.”
21Nokudaro mambo Zedhekiya akatema zvaifanira kuitwa, vanhu vakabva vachengetera Jeremiya munhandare yevachengetedzi vokwamambo. Izvozvo Jeremiya akanga ava kupiwa chingwa chimwechete pazuva chichibva kumugwagwa weguta wainzi Wavabiki Vechingwa kusvikira chingwa chose chomuguta chapera. Saizvozvo Jeremiya akaramba ari munhandare yavachengetedzi vokwamambo.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 37: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: