Jobhu 5
5
Mubayiro wokuzvikudza
1Chidanidziraka tione
kana pane achakupindura ipapa
ndiani pakati pavatsvene wauchazemberana naye?
2Kuzvidya mwoyo kunouraya munhu kuya,
kushatirwa kunouraya marema.
3Ndakamboona ini benzi richidzika midzi.
Pakarepo ndakati nzvimbo yake iwirwe norushambwa.
4Zvokugarika kwavana vake hapana,
padare mhosva ndeyavo chete,
wokuvamiririra panenge pasina.
5Zvaanokohwa zvichadyiwa zvazvo navane nzara
vachizvitora kunyange mukati meminzwa,
vane nyota vachitozvitsvira mwoyo.
6Uipi haumeri pavhu
nhamo hainyuki pasi.
7Munhu ndiye anotozviparira,
sezvinoita shiri ndidzo dzinotobhururuka mudenga.#5:7 Shiri ndidzo dzinotobhururuka mudenga: Kana kuti sezvinongoita mapfarivari anobva mumoto.
Basa romunhu panyika
8Kana ndirini changu kutsvaka Mwari
zvose zvinondinetsa ndozviturira kuna Mwari.
9Anoita zvinhu zvikuru zvisingabatiki
zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki.
10Anonaisa mvura panyika
anotuma mvura paminda.
11Anosumudzira pamusoro vanozvidukupisa
vanochema anovasimudzira mwoyo norufaro
12anokangaidza mazano avane ujarijari
kuti zvavanobata zvisabudirire.
13Anobata vakachenjera muujarijari hwavo,
zvirongwa zvavanyengedzi
hazvitani kushaiswa basa.
14Vanosangana naro rima
zuva rakacheka nyika,
vagoputaira masikati machena sokunge usiku.
15Asi anonunura varombo#5:15 Varombo: ChiHebheru hachitauri pachena kuti ndiani anonunurwa; vangave varombo, nherera, vasina chavanacho zvichingodaro. pamiromo yavo
navasina chavanacho mumaoko avane simba.
16Nokudaro varombo vanowana chitarisiro
vezvekushaisa vanhu ruenzaniso
vachimbopfumbirawo muromo.
17Zvake munhu anotsiurwa naMwari
saka usazvidze shamhu yaSamasimba.
18Anoruma achifuridzira,
anokuvadza zvake asi maoko ake anorapa.
19Achakununura kunhamo
runosvika rutanhatu rwose
kechinomwe aka hapana nyatwa inozokubatabata.
20Panguva yenzara
achakununura kurufu
panguva yehondo achakununura kusimba rebakatwa.
21Achakuvanza kunhamo
yavanotuka nomuromo.
Hauchazotya kuparadza kana kwauya.
22Zvokuparadza nenzara uchazviseka
zvikara zvenyika hauzombozvitya.
23Nokuti unenge une usahwira nematombo
uye uchinzwanana nezvikara zvesango
24uchaziva kuti patendhe pako
hapana njodzi,
uchaongorora danga rako
ugoona kuti hapana chisipo.
25Uchazvionawo kuti
zvizvarwa zvako zvichawanda
zvizukuru zvigoita souswa hwenyika.
26Uchasvika kuguva kwako
wanyatsokwegura zvako.
Sezvinoita tsanga yechisote chembesanwa
inouya pokupurira panguva yayo.
27Vedu wee izvi takazvitsvaka, ndezvechokwadi.
Teererai muzvizive kuti zvinokubatsirai.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobhu 5: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: