Ruka 11
11
Jesu anodzidzisa kunamata
(Mat 6:9–13; 7:7–11)
1Zvakaitika kuti Jesu ainamata pane imwe nzvimbo. Paakapedza kunamata, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Tenzi tidzidziseiwo kunamata sokudzidzisa kwaiita Johani vadzidzi vake.”
2Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii,
“ ‘Baba zita renyu ngariyereswe
umambo hwenyu ngahuuye.’
3Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva.#11:3 Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva. Kana kuti, “Tipeiwo zuva nezuva chokudya chedu chamangwana.”
4Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu.
Nokuti isu pachedu
tinoregererawo vose vanotitadzira.
Musatitungamirire mukuedzwa.”
Shamwari inogwavarira pakukumbira
5Jesu akati kwavari, “Ndiani wenyu ane shamwari inouya kwaari pakati pousiku yoti kwaari, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu 6nokuti imwe shamwari yangu iri parwendo yasvika, zvino handina chokumuperekera.’ 7Achapindura nechomukati achiti, ‘Usandinetse, gonhi rakiiwa; vana vangu neni tatovata; handichagoni kumuka kuti ndiwane chokukupa.’ 8Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda. 9Ndinokutaurirai kuti,
“ ‘Kumbirai muchapiwa
Tsvakai muchawana
Gogodzai muchazarurirwa
10nokuti wose anokumbira anopiwa
anotsvaka anowana
uye anogogodza achazarurirwa.’
11“Ndibaba vapi pakati penyu vanoti kana mwana wavo avakumbira hove vanomupa nyoka panze pokumupa hove. 12Uye kuti kana akumbira zai vomupa rize. 13Zvino kana imi vaipi kudai muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu; ko kutozoti Baba vokudenga, vanopa zvakadii Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira.”
Jesu naBherizebhuru
(Mat 12:22–30; Mak 3:20–27)
14Jesu paaidzinga mumwe mweya wakaipa waiva mbeveve mweya wakaipa uya pawakabuda, mbeveve iya yakataura uye vanhu vakashamiswa. 15Asi vamwe vavo vakati anodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru jinda romweya yakaipa. 16Vamwewo vachida kumuedza vaitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga. 17Asi iye pamusana pokuziva zvaiva mupfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunenge huchizvirwisa hunoparara. Imba inenge ichizvirwisa inoputsika. 18Zvino kana Satani achizvirwisa, umambo hwake hunopamira sei. Nokuti imi murikuti ndinodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru. 19Kana ndichidzinga mweya yakaipa naBherizebhuru ko, vanhu venyu#11:19 Vanhu venyu: MuchiGiriki munoti vanakomana venyu. vanoidzinga nesimba raani. Ivo ndivo vachakukonesai. 20Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa nomunwe waMwari umambo hwaMwari hwasvika pamuri.
21“Kana murume akasimba achichengetedza muzinda wake, zvinhu zvake zvinochengetedzeka. 22Asi mumwe ane simba kukunda iye akamurwisa akamukurira anomutorera zvombo zvake zvokurwisa zvaaivimba nazvo achigova zvaanenge apamba.
23“Asineni ari kurwisana neni uyo asingaunganidzi neni anoparadza.
Kudzokera kwemweya wakaipa
(Mat 12:43–45)
24“Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera. Kana washaya nzvimbo unoti, ndichadzokera kumba kwangu kwandakabva. 25Kana wasvika unowana yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa. 26Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogaramo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga.”
Chikomborero chaicho
27Paaitaura izvi mumwe mukadzi akadaidzira gungano ravanhu achiti kwaari, “Yakakomborerwa zvayo nhumbu yakakuberekai namazamu amakayamwa.” 28Asi Jesu akati, “Ehe zvazvo, asi vakanyanyokomborerwa avo vanonzwa Shoko raMwari vachirichengeta.”
Jona sechiratidzo
(Mat 12:38–42)
29Gungano ravanhu parakanga richimuti ungaunga akatangisa kuti, “Chizvarwa ichi chizvarwa chakaipa. Chinotsvaka chiratidzo asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona. 30Nokuti sezvakaita Jona kuva chiratidzo kuvanhu veNinivhe, ndizvozvo zvichaita Mwanakomana womunhu kuchizvarwa ichi. 31Mambokadzi wokuMaodzanyemba achasimuka achipa mhosva varume vechizvarwa ichi nokuti akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pane mukuru kupinda Soromoni.#11:31 Soromoni: NdiJesu pachake, iye ungwaru hwaMwari. 32Varume veNinivhe vachasimuka padare vachimirisana nechizvarwa ichi vachichipa mhosva nokuti vakapinduka asika pano pane mukuru kupinda Jona.
Basa rechiedza
(Mat 5:15; 6:22–23)
33“Hakuna munhu anoti kana abatidza mwenje anouisa mudura kana kuukwidibira netswanda asi anouisa pachigadzikiro kuti vanopinda vaone chiedza. 34Ziso rako ndiro mwenje womuviri wako, zvino kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uzere chiedza. Kana risinawo kunaka muviri wako uzere nerima. 35Ipapo ngwarira kuti chiedza chako chirege kuva rima. 36Zvino kana muviri wako wose uzere chiedza usina pane rima unenge wakajeka wose zvawo sezvinoita rambi rinokupa chiedza nemwenje waro.”
Jesu anotsoropodza vaFarisei nenyanzvi dzomutemo
(Mat 23:1–36; Mak 12:38–40)
37Paakanga achiri kutaura, mumwe muFarisei akamukoka kundodya naye. Naizvozvo akaenda akandogara naye pakudya. 38MuFarisei akashamiswa kuona kuti Jesu haana kutanga ashamba asati adya. 39Tenzi akati kwaari, “Imi vaFarisei, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati menyu muine upambi nouipi. 40Imi mapenzi, iye akaita kunze haana kuitawo mukati here? 41Ipai zvipo zvenyu zvichibva mukati menyu, zvose zvichava zvakachena kwamuri. 42Asi zvichakuwanai imi vaFarisei nokuti munobvisa chegumi patunhuwo zvatwo twakaita semindi neru#11:42 Mindi neru: Tumwe tumuriwo tunonhuwira. netumirio asi imi musina hanya noruenzaniso norudo naMwari. Izvi ndizvo zvamaifanira kunge muchiita musingarege zvenyu kuita zvimwe. 43Zvichakuwanai zvenyu imi vaFarisei nokuti munoda chigaro chapamusoro mumasinagogu uye kukwaziswa pamisika. 44Zvichakuwanai zvenyu nokuti makaita samakuva asingaoneki, vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.”#11:44 Vasingazivi: Makuva ainzi akan'ora. Ainge afamba pamusoro pawo ain'oreswa achitozoda kuchenurwa.
45Rimwe gweta rakati kwaari, “Mudzidzisi mukutaura izvi muri kutotitukawo.” 46Iye akati, “Zvichakuwanaiwo iyemi nyanzvi dzomutemo nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema kutakura asi imi pachenyu hamutakuri mitoro iyoyo kunyange nomunwe wenyu chaiwo. 47Zvichakuwanai zvenyu nokuti munovaka makuva avaporofita vakauraiwa namadzibaba enyu. 48Nezvo muri zvapupu uye munobvumirana nezvakaitwa namadzibaba enyu nokuti ivo vakavauraya; imi munovaka makuva avo. 49Saizvozvo, Mwari, noungwaru hwake, akati, ‘Ndichavatumira vaporofita navapositori.’ Vamwe vachavauraya vachivatambudza 50kuti ropa ravaporofita vose rakadeurwa kubvira pamavambo enyika ripfukire chizvarwa chino, 51kubvira kuropa raAbhero kusvika kuropa raZakariya akauraiwa pakati peatari nenzvimbo inoera. Ndizvozvo chaizvo, zvandinokutaurirai, richapfukira chizvarwa chino. 52Zvichakuwanai imi magweta nokuti makabvisa kii yoruzivo. Imi hamuna kupinda uye makadziviridza vaida kupinda.”
53Paakanga ava kubva ipapo nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakatanga kumuomesera kuti vamunzwe mukanwa panezvinhu zvakawanda, 54vakamuhwandira kuti vamubate pane chimwe chezveanenge ataura.
Zvasarudzwa nguva ino
Ruka 11: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: