Mariko 10
10
IV: KUPARIDZA KWAJESU MUJERUSAREMU
Kurambana kwomurume nomukadzi
(Mat 19:1–12; Ruka 16:18)
1Zvino Jesu akabvapo ndokuenda kudunhu reJudhea nokumhiri kwaJorodhani. Mapoka avanhu akamuunganira zvakare akavadzidzisazve sezvaaigaroita.
2Zvino vaFarisei vakazouya kwaari vakamubvunza, kuri kumuedza zvavo vachiti, “Murume anobvumirwa here kuramba mukadzi wake?” 3Jesu akavapindura achiti, “Ko Mosesi akakutemerai zvipi?” 4Ivo vakati, “Mosesi akatibvumira kuti murume anyorere mukadzi tsamba yegupuro obva amudzinga.” 5Asi Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai mutemo wakadai pamusana poukukutu hwemwoyo yenyu. 6Asi kubva pakutanga kwokusikwa kwezvinhu, Mwari wakavasika vari munhurume nomunhukadzi. 7Nechikonzero ichochi murume anosiya baba naamai vake, achibva abatanidzwa nomukadzi wake. 8Vaviri ava vachiva muviri mumwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. 9Naizvozvo chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.”
10Kuzoti vava kumba vadzidzi vakamubvunza zvakare nezvenyaya iyi. 11Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe, anoita upombwe uye achimutadzira. 12Mukadziwo akaramba murume wake achitorana nomumwe murume anoita upombwe.”
Jesu anokomborera vana
(Mat 19:13–15; Ruka 18:15–17)
13Kwakazouya vamwe vanhu navana vaduku kwaari kuti aise maoko pamusoro pavo asi vadzidzi vakavarambidza. 14Asi Jesu paakazviona akatsamwa ndokuti kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwaMwari ndehwevakaita saivava. 15Chokwadi chaizvo, ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombohupinda.” 16Iye ndokuvafungatira mumaoko, achivakomborera, achiisa maoko ake pavari.
Murume mupfumi anotsvaka upenyu husingaperi
(Mat 19:16–30; Ruka 18:13–20)
17Kuzoti ava kupinda munzira, mumwe munhu akamumhanyira ndokusvikopfugama mberi kwake omubvunza achiti, “Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” 18Jesu akamupindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka kunze kwaMwari oga. 19Unoziva wani mitemo inoti; usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema, usanyengedze, remekedza baba naamai vako.” 20Iye akatiwo kwaari, “Mudzidzisi, yose iyi ndakaichengeta kubvira pauduku hwangu.” 21Jesu akamutarisa akamuda, ndokumuti, “Une chimwechete chausina; chokuti enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo, uchava noupfumi kudenga; ugouya wonditevera.” 22Shoko iri rakamusvibisa mwoyo akabvapo woenda akasuruvara nokuti akanga aine upfumi hwakawanda.
23Jesu akaringa–ringa akati kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti vanoupfumi vapinde muumambo hwaMwari!” 24Vadzidzi vakashamiswa kwazvo namazwi ake. Asi Jesu akataurazve achiti kwavari, “Vakomana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari. 25Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” 26Ivo vakashamiswa zvikuru kwazvo vakataurirana vachiti, “Ndiani zvino angagone kuponeswa?” 27Jesu akavatarisa akati, “Izvi hazvigoneki kuitwa navanhu asi naMwari. Kuna Mwari zvose zvinogoneka.” 28Pita ndipo pakazoti kwaari, “Tarisai muone isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai.” 29Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hakuna munhu akasiya musha, kana vakomanavanun'una, kana hanzvadzi, kana amai, kana baba, kana vana, kana minda pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka, 30asingazowana zvakapetwa kazana iye zvino munguva ino, misha, vakoma navanun'una, nehanzvadzi, nanaamai, navana, neminda pamwe nokutambudzwa panguva ino noupenyu husingaperi panguva ichauya. 31Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisirawo vachiva vokutanga.”
Jesu anotaura kechitatu nezvokufa nokumuka kwake
(Mat 20:17–19; Ruka 18:31–34)
32Zvino vari munzira, vachikwira kuJerusaremu, Jesu aifamba ari mberi kwavo. Zvakavashamisa kwazvo. Vaitevera vakatya. Akazotorazve vane gumi navaviri akatanga kuvaudza zvaizoitika kwaari achiti, 33“Chinzwai, tava kukwira kuJerusaremu; Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo; vachamutongera rufu; vachimuisawo mumaoko evechirudzi; 34vachamunyomba; vachimusvipira mate nokumurova zvakanyanya; vozomuuraya. Asi mushure memazuva matatu achamukazve.”
Chichemo chaJemusi naJohani
(Mat 20:20–28)
35Jemusi naJohani vanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu vakati, “Mudzidzisi tinoda kuti mutiitirewo chero chatinenge takukumbirai.” 36Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Ivo vakati kwaari, 37“Tibvumirei kuti, mumbiri yenyu, tizogara takati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” 38Jesu akavapindura achiti, “Hamuzivi zvamurikukumbira. Munogona here kunwa mukombe wandinonwa ini kana kuombekwa noruombeko rwandinoombekwa narwo ini?” 39Ivo vakati kwaari, “Tinogona.” Jesu akati kwavari, “Hongu mukombe wandinonwa ini, muchanwa noruombeko rwandinoombekwa narwo muchaombekwawo narwo; 40asi zvokugara kurudyi rwangu kana kuti kuruboshwe rwangu handisirini ndinozvipa, ndokweavo vakakugadzirirwa.”
41Zvino vamwe gumi vaya, pavakazvinzwa vakatsamwira vana Jemusi naJohani. 42Jesu akavadaidza akavati, “Munoziva kuti kune vechirudzi vanonzi vatongi vaya, pakutonga vanoita zvechisimba uye vakuru vakuru vavo vanoita zvomukundo. 43Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. 44Uye ani naani anoda kuve wokutanga pakati penyu anofanira kuve muranda wavose. 45Nokuti kunyange Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira vamwe, uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
Jesu anosvinudza bofu rainzi Bhatimeusi kuJeriko
(Mat 20:29–34; Ruka 18:35–43)
46Vakazosvika kuJeriko. Kuzoti ava kubuda muJeriko navadzidzi vake negurumwandira ravanhu, Bhatimeusi mwana waTimeo, mupemhi aiva bofu akanga agere parutivi pomugwagwa. 47Paakanzwa kuti ndiJesu weNazareti, akatanga kudaidzira achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” 48Vazhinji vakamutsiura vachiti anyarare, asi iye ndipo paakatonyanya kudaidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” 49Jesu akamira akati, “Mudaidzei.” Vakadaidza bofu riya vachiti kwaari, “Tsunga mwoyo; simuka; ari kukudaidza.” 50Akakanda jasi rake pasi, ndokukwakuka ouya kuna Jesu. 51Jesu ndokuti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Bofu rakati kwaari, “Mudzidzisi itai kuti ndione.” 52Jesu akati kwaari, “Chienda zvako, chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona, akatevera Jesu munzira.
Zvasarudzwa nguva ino
Mariko 10: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: