Mariko 8
8
Jesu anopa zvokudya zvinogutsa zviuru zvina zvavanhu
(Mat 15:32–39)
1Namazuva iwayo gungano guru ravanhu parakaungana zvakare, uye vakanga vasisina chokudya akadaidza vadzidzi vake akati kwavari, 2“Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya, zvino havachisina chokudya. 3Kana ndikavaendesa kumisha yavo vaine nzara vachaziya panzira nokuti vamwe vavo vabva kure.” 4Vadzidzi vake vakamupindura vachiti, “Pane angawane zvingwa mugwenga muno here zvingagutse vanhu ava?” 5Akavabvunza kuti, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Zvinomwe.” 6Zvino akati vanhu ngava gare pasi. Akatora zvingwa zvinomwe zviya akatenda, ndokuzvimedura ozvipa vadzidzi vake kuti vape vanhu. Ivo ndokuzvipa kuvanhu. 7Uye vakanga vane tuhove tushoma. Akatukomborera akati, “Kunyange itwotwu tupihwe vanhu.” 8Vanhu vakadya vakaguta, vakazonhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza nhengwana nomwe. 9Pakanga paine zviuru zvinenge zvina zvavanhu. Akazoonekana navanhu, 10pakarepo ndokubva akwira mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta.
VaFarisei vanokumbira chiratidzo chinobva kudenga
(Mat 16:1–4)
11Zvino vaFarisei vakauya kwaari, vakatanga kuitirana nharo naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, kuri kumuedza. 12Akashungurudzika mumwoyo make akati, “Chizvarwa ichi chinotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna chiratidzo chichapiwa kuchizvarwa ichi.’ ” 13Akabva avasiya, ndokukwirazve mugwa oyambukira mhiri.
Mbiriso yavaFarisei neyaHerodhi
(Mat 16:5–12)
14Zvino vakanga vakanganwa kutakura chingwa, kunze kwechimwechete chavakanga vanacho mugwa. 15Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei neyaHerodhi.” 16Vakakurukurirana pachavo vachiti, “Hatina chingwa.” 17Jesu akazviziva akavati, “Nemhaka yei muchitaurirana kuti hamuna chingwa? Hamusati maziva kana kunzwisisa here, mwoyo yenyu mikukutu kanhi? 18Mune meso, asi hamuoni nhai? Mune nzeve asi hamunzwe nhai? Hamuyeuke here 19zviya zvandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu, zvingwa zvishanu; makaunganidza matengu mangani azere ezvimedu?” Vakati kwaari, “Gumi namaviri.” 20“Ko paya pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makaunganidza nhengwana dzizere ngani dzezvimedu?” Vakati kwaari, “Nomwe.” 21Iye ndokuti kwavari, “Hamusati mavakunzwisisa nanhasi here?”
Jesu anosvinudza bofu kuBhetisaidha
22Vakazosvika kuBhetisaidha, vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari bofu. Vakakumbira Jesu kuti amubate. 23Akamubata ruoko oenda naye kunze kwomusha. Akapfira mate pamaziso ake, akaisa maoko ake paari ndokumubvunza kuti, “Pane chaunoona here?” 24Akatarisa akati, “Ndiri kuona vanhu asi vanotarisika semiti iri kufamba.” 25Akaisazve maoko ake pamaziso pake, iye ndokuramba akangoti ndee kutarisisa, ndokubva aporeswa. Akabva avakuona zvakanaka zvinhu zvose. 26Jesu akamuendesa kumba kwake achiti, “Usamboenda zvako nomumusha umu.”
Pita anodudza kuti Jesu ndiye Mesia
(Mat 16:13–20; Ruka 9:18–21)
27Jesu akaenda navadzidzi vake kumisha yokuSezariafiripi. Vachiri munzira, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti ndini ani?” 28Vakamupindura vachiti, “Johani Muombeki, vamwewo vanoti, ndiEriya, vamwewo vachiti, mumwe wavaporofita.” 29Akazovabvunza achiti, “Ko imi, munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Imi ndimi Kristu chaiye.” 30Jesu akatsindidza kuti vasambozviudza ani naani zvake nezvake.
Jesu anofanoudza vadzidzi vake zvokufa nokumuka kwake
(Mat 16:21–28; Ruka 9:22–27)
31Akazotangisa kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru, agorambwa navakuru vakuru, navapristi vakuru, nenyanzvi dzoMutemo, ozouraiwa; asi agomukazve mushure memazuva matatu. 32Akataura izvi pachena. Ipapo Pita akamutora parutivi ndokutanga kumutsiudza. 33Jesu akatendeuka akaona vadzidzi vake ndokubva atsiudza Pita achiti, “Ndibvirepo, Satani womunhu! Mafungiro akadai haasi aMwari asi avanhu.”
34Akazodaidza chita chavanhu pamwechete navadzidzi vake akati kwavari, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake anditevere. 35Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka achahuponesa. 36Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvose zvapasi pose asi iye achirasikirwa noupenyu hwake? 37Nokuti chiiko munhu chaangabvise kuti adzikinure upenyu hwake? 38Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu pakati pechizvarwa ichi chenzenza dzavanhu nechavatadzi, Mwanakomana womunhu achamunyarawo musi waanouya aine mbiri yaBaba vake pamwe navatumwa vatsvene.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mariko 8: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: