Nehemiya 11
11
IV: ZVIMWE ZVAKAGADZIRIDZWA NANEHEMIYA
A: NZIRA DZOKUWANZIRIDZA VANHU MUJERUSAREMU
Vanhu vaigara muJerusaremu
1Vatungamiriri vavanhu vaigara muJerusaremu. Vamwe vanhu vose vaitoita zvokusarudza nechin'ange munhu mumwechete pagumi ravanhu wokundogara muJerusaremu raiva riri iro guta rinoera, vamwe vapfumbamwe ava vachigara muna mamwe maguta. 2Vanhu vakarumbidza varume vakazvipira zvavo kundogara muJerusaremu. 3Ava ndivo madzishe enyika iyi aigara muJerusaremu asi mumaguta okwaJudha munhu wose aigara pamusha pake mumaguta avo imomo. Paiva navaIsiraeri navapristi nevaRevhi navashandi vapaTemberi navana vavaranda vaSoromoni.
4MuJerusaremu maigarawo vamwe vanakomana vokwaJudha navamwe vanakomana vokwaBhenjamini. Kuvanakomana vokwaJudha paiva:
naAtaya mwanakomana waUziya,
Uziya mwana waZekariya,
Zekariya mwanawo waAmariya,
Amariya akaberekwa naShefatiya
Shefatiya mwanakomana waMaharareri
Mahararerei mwana waFeresi
5naMaaseya mwanakomana waBharuku
Bharuki akaberekwa naKoruhozeni,
Koruhozeni mwana waHazaya,
Hazaya mwanawo waAdhaya
Adhaya mwanakomana waJoyaribhu,
Joyaribhu akaberekwa naZekariya
ari mwanakomana womunhu wokuShiro.
6Vanakomana vose vokwaPeresi, vaigara muJerusaremu vaiva varume mazana mana ana makumi matanhatu navasere dziri mvumba chaidzo dzokurwa hondo.
7Ava ndivo vanakomana vedzinza rokwaBhenjamini:
kwaiti, Saru mwanakomana waMeshuramu
Meshuramu ari mwanakomana waPedhaya,
Pedhaya ari mwanakomana waKoraya
Koraya mwanakomana waMaaseya
Maaseya wakaberekwa naItieri,
Itieri mwanakomana waJeshaya.
8Saru uyu aitevedzerwa naGabhai naSarai vari mazana mapfumbamwe avanhu ana vanhu makumi maviri navasere.
9Joeri mwanakomana waZikiri ndiye aiva mutariri mukuru wokuona nezvavo. Judha mwanakomana waHasenua aiva mutevedzeri womutongi weguta iri.
10Kuvapristi kwaiva naava vanoti:
Jedhaya mwanakomana waJoyaribhu uye Jakini
11naSeraya mwanakomana waHirikiya;
Hirikiya uyu mwanakomana waMeshuramu,
Meshuramu akaberekwa naZadhoki,
Zadhoki ari mwana waMerayoti,
Merayoti mwanakomana waAhitubhu
mutongi wapamba paMwari.
12Nehama dzavo vaiva vari vokuita basa rapamba ipapo vakanga vari mazana masere namakumi maviri ana vaviri kwouya Adhaya mwanakomana waJehoramu Jehoramu mwana waPerariya Perariya ari mwanawo waAmuzi Amuzi ari waZekariya Zekariya ariwo waPashihuru Pashihuru mwanakomana waMarikiya 13nehamawo dzake, vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba acho vari mazana maviri ane makumi mana navaviri kwozouya Amashisai mwanakomana waAzareri. Azareri mwana waAhizai Ahizai ari mwana waMeshiremoti Meshiremoti akaberekwawo naImero 14nehama dzavowo mvumba chaidzo dzevarume magamba chaiwo okurwa hondo vari zana namakumi maviri ana vasere, mutariri wavo ari Zabhudhieri mwanakomana waHagedhorimu.
15KuvaRevhi kwaivawo naava vanoti:
Shemaya mwanakomana waHashubhu
Hashubhu mwana waAzirikamu
Azirikamu ari mwana waHashabhiya,
Hashabhiya ari waBhuni
16Bhuni naShabhetai naJozabhadhi
vamwe vevakuru vakuru vevaRevhi vaiona
nezvebasa rokunze repamba yaMwari
kwouyawo Mataniya mwanakomana waMika,
Mika mwana waZabhudhi
17Zabhudhi mwanakomana waAsafu
aiva mutungamiriri
wokuvamba munamato wokutenda
uyewo Bhakibhukiya mwana wechipiri pakati pehama dzake kwozouya Abhudha
mwanakomana waShamua mwanakomana waGarari,
Garari mwanakomana waJedhutuni.
18VaRevhi vomuGuta Rinoera iri vose vaiva mazana maviri namakumi masere ana vana.
19Vachengetedzi vepamisuo mikuru, vana Akubhu naTarimoni nehama dzavo, vakanga vari vokuchengetedza pamisuo mikuru, vaiva zana revanhu rine vanhu makumi manomwe navaviri.
20Vamwe vose veIsiraeri navamwe vose vevapristi navavaRevhi vaiva mune mamwe maguta ose amaJudha munhu wose agere pake penhaka. 21Asi vashandi vepaTemberi vaigara paOferu, Ziha naGishipa ndovaiva vakuru vakuru vevashandi vepaTemberi.
22Mutariri wevaRevhi muJerusaremu akanga ari
Uzi mwanakomana waBhani
Bhani mwana waHashabhiya,
Hashabhiya ari mwana waMataniya,
Mataniya akaberekwa naMika
Mika wokuvanakomana vokwaAsafu vaimbi,
aiona nezvebasa repamba yaMwari,
23nokuti kwakanga kwabva chirevo
kuna mambo chakanangana nezvavo nomugove
wakatemwa wevaimbi
sezvainge zvichidiwa zuva nezuva
24kwoti Petahiya mwanakomana waMeshezabheri,
Meshezabheri mumwe wevana vokwaZera,
Zera mwanakomana waJudha
aiva nhume yamambo panyaya
dzose dzainangana nezvevanhu.
Vanhu vokune mamwe maguta nemisha yekwaJudha
25Panyaya yemisha namafuro ayo,
vamwe vanhu vamaJudha
umu vaigara mumaguta aya anoti:
muKiriatiaribha nemisha yaro
nomuDhibhoni nemisha yaro
nomuJekabhuzieri nemisha yaro
26nomuJeshua nomuMoradha nomuBhetipereti
27nomuHazarishuaru nomuBheerishebha nemisha yaro
28nomuZikiragi nomuMekona nemisha yaro
29nomuEnirimoni nomuZora nomuJarimuti
30nomuZanowa neAdhuramu
nemisha yawo
neRakishi nemisha yaro
neAzeka nemisha yaro.
Saizvozvo vakadzika matendhe kubvira kuBheerishebha kusvikira kuBani rokwaHinomu.
31Vanhu vokwaBhenjamini vaigarawo kubvira Gebha zvichienda mberi kuMikimashi nokuAiya nokuBhetieri nemisha yaro
32nokuAnatoti neNobhu neAnaniya
33neHazori neRama neGitaimu
34neHadhidhi neZebhoimu neNebharirati
35neRodhi neOno bani remhizha dzezvoutare.
36Zvimwe zvikwata zvevaRevhi maJudha umu zvakanga zvakabatanidzwa kune vokwaBhenjamini.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemiya 11: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: