Nehemiya 5
5
Chimbadzo nezvimwe zvakaipa zvaiitirwa varombo
1Zvino kwakazvomuka kuchema-chema kukuru kwazvo vanhu navakadzi vavo vachigunun'unira hama dzavo dzechiJudha. 2Kwaiva navamwe vaiti, “Pamwechete navana vedu vakomana navasikana kudai, tawanda isu. Dai tawanawo mbesanwa dzokudya tidyewo tigorarama.” 3Kukava nevamwewo vaiti, “Minda yedu nemisha yedu neminda yedu yemugirepisi tiri kutoiita rubatso kuti tiwanewo mbesanwa pamusana penzara iyoyi iyi.” 4Kwaivawo navamwe vaitiwo, “Isu takatokwereta mari yeminda yedu neyemindawo yedu yemigirepisi kundoteresa mutero wokwamambo. 5Isu tiri vanhu veropa rimwechete nehama dzedu idzodzo. Vana vedu vanongovawo vana vavo. Asi tava kutomanikidzira vana vedu vakomana navasikana kutopinda muuranda. Vamwe vanasikana vedu vakatopinda muuranda. Asi isu chokuti tiite hapana nokuti minda yedu nemindawo yedu yemigirepisi yatova zvayo yevamwe.”
6Ndakashatirwa kwazvo pandakanzwa kugunun'una kwavo pamwechete namazwi iwaya. 7Ndakazvibvunza mumwoyo zano rokuita, ndikatongesa vokumba huru namakurukota. Ndakati kwavari, “Muri kuita chimbadzo imi kuhama dzenyu, mose zvenyu iyemi.” Ndakavaunganidzira dare guru kwazvo ravanhu, 8ndikavati, “Isu takaedzawo napatinogona kununura hama dzedu dzechiJudha dzakanga dzatengeswa kune vechirudzi, asi imi ndopamava kutotengesa zvenyu hama dzenyu kuti isu titoita zvokuvatenga zvakare!” Vakati mwiro-o romuromo vakarishaya. 9Ndokubva ndati, “Zvamuri kuita izvi hazvina kunaka. Hamufaniri here kutevedza gwara rokutya Mwari kuitira kuti tirege kushorwa neveChirudzi vavengi vedu. 10Ini nehama dzangu nevashandi vangu tinovakweretesawo wani mari nembesanwa. Zvechimbadzo izvi, ngatiregei. 11Vadzoserei iye nhasi uno chaiye minda yavo nemindawo yavo yemigirepisi neminda yavo yemiorivhi nemisha yavo pamwechete nechikamu chechizana chemari nechembesanwa nechewaini namafuta eorivhi zvechimbadzo chamanga muchireva kwavari.”
12Ivo vakati, “Tichadzosera izvozvo pasina nechatichareva kwavari. Zvamareva ndozvatichaita.”
Ndakadaidza vapristi ndichiitisa vatungamiri ivavo mhiko yokuti vaizoita sezvavakanga vatsidza. 13Ndakazunzawo hanzu yangu ndikati, “Mwari ngaazunze saizvozvi munhu wose anenge asina kuchengeta chitsidzo ichochi achimubvisa pamba pake nepane twake twose twaakashanda. Ngaazunzwe saizvozvo asare asisina nechinhu chose.” Dare rose rakati, “Ameni,” rikarumbidza Tenzi. Vanhu vakaita sezvavakanga vatsidza.
Mwoyo wokufunga vamwe waNehemiya
14Chimwe ndechokuti kubvira panguva yandakasarudzwa kuva gavhuna wavo munyika yokwaJudha kubvira pagore rechimakumi amviri kusvikira pagore rechimakumi matatu nepiri rokutonga kwamambo Atakizesesi; kwamakore gumi namaviri iwayo ini nehama dzangu hatina kumbenge tichidya zvokudya zvainge zvichifanira kupiwa gavhuna. 15Magavhuna akanditangira akanga achitakudza vanhu mitoro inorema vachitovatorera zvokudya newaini pamwechete namakumi mana emari yesirivha yamashekeri. Kunyangova vashandi vavo, vaitoremedzawo kwazvo vanhu. Asi ini handaiita saizvozvo pamusana pokutya Mwari. 16Ndakangotiwo sika sika nebasa rorusvingo urwu ndikarega kuzviwanirawo munda. Vashandi vokwangu vose vakangawo vakaunganidzana ikoko kubasa iroro. 17Chimwewo ndechokuti vaidya pamwechete neni pateburu yangu, vaiva varume zana namakumi mashanu vechiJudha namakurukota pamwechete navaiuya kwatiri vokumarudzi akanga akatipoteredza. 18Zvino pazuva paibayiwa izvi zvinoti: mombe imwechete nehwai nhanhatu dzakakora. Ndaibayirwawo huku ndichiwaniswa maguchu amatehwe ewaini yakawanda kwazvo pazuva roga roga rechigumi. Asi kunyange zvakadaro zvazvo handina kumboti nditopiwawo chete zvokudya zviya zvainge zvichifanira kupiwa gavhuna pamusana pokuti vanhu vainge vachitova kare nemutoro inorema. 19Ndiyeukeiwo ini Mwari kuti zvinhu zvindifambirewo zvakanaka pamusana pezvandakaitira vanhu ava.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemiya 5: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: