Nehemiya 8
8
III: KUVERENGWA KWEMUTEMO NOKUMUTSIRIDZWA KWECHITENDERANO
A: EZIRA AKAVERENGERA VANHU MUTEMO
1Vanhu vose vakazoungana vaine chinangwa chimwe munhandare pamberi pesuo guru rokuMvura. Vakataurira Ezira nyanzvi yomutemo kuti aunze bhuku romutemo waMosesi wakanga wapiwa kuvaIsiraeri naTenzi. 2Mupristi Ezira akaunza mutemo iwoyo pamusi wechiposhi wemwedzi wechinomwe kugungano revanhu, varume navakadzi, nevaigona kunzwisisa. 3Akariverenga akatarisa munhandare iri pamberi pesuo guru rokumvura kubvira kuchangoedza kudzamara masikati makuru munzeve dzavarume navakadzi nevaigona kunzwisisa, izvozvo vanhu vose vakanga vakateya kwazvo nzeve kunzwa bhuku romutemo.
4Ezira nyanzvi yomutemo akamira padara rakanga ravakirwa izvozvi izvi. Vakanga vamire naye kurudyi ndaava vanoti:
Matatiya naShema naAnaya
naUriya naHirikiya naMaaseya;
kuruboshwe:
ndiPedhaya naMishaeri naMarikiya
naHashumu naHashibhadhana naZekariya naMeshuramu.
5Ezira akazarura bhuku racho vanhu vose vachiona, nokuti akanga ari nechapamusoro pavanhu vose. Paakangoriti zarurei vanhu vose vakabva vati nyandanu kusimuka. 6Ezira akarumbidza Tenzi, Mwari mukuru.
Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ameni! Ngazvive saizvozvo,” vachisimudza mudenga maoko avo. Vakakotamisa misoro yavo vachipfugamira Tenzi, uso hwavo vakati pasi kota kota.
7Kwouya Jeshua naBhani naSherebhiya
naJamini naAkubhu naShabhetai
naHodhiya naMaaseya naKerita
naAzariya naJozabhadhi naHanani
naPeraya vokwaRevhi,
vakatsanangurira vanhu mutemo iwoyo.
Vanhu vakaramba vamire munzvimbo dzavo.
8Vakanyatsoverenga mubhuku romutemo waMwari, ndokutsanangurira vanhu kuti vanzwisise zvaiverengwa.
9Nehemiya aiva ari gavhuna, nomupristi Ezira nyanzvi yomutemo, nevaRevhi vaifundisa vanhu vakati kuvanhu vose, “Zuva irori izuva raTenzi, Mwari wenyu rinoera, regai kuchema kana kuungudza.” Chaivapo ndechokuti vanhu vose vakachema pavakanzwa mashoko omutemo. 10Akavati, “Chiendai zvenyu munodya kudya kwakanaka, munwe zvenyu waini inonaka, mupewo vasina chavanacho chakagadzirirwa, nokuti zuva ranhasi izuva raTenzi wedu rinoera. Musasuruvare nokuti rufaro rwaTenzi ndiro simba renyu.” 11Saizvozvo vaRevhi vakanyaradza vanhu vose vachiti, “Nyararai zvenyu nokuti zuva ranhasi izuva rinoera, zvokusuruvara, chiregai.” 12Vanhu vose vakazoenda zvavo kundodya nokunwa nokutumirana zvipo vachipembera kwazvo nokufara pamusana pokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakanga vaudzwa.
B: MAZUVA MAKURU EMATUMBA
13Pazuva rechipiri racho, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba evanhu vose ivavo pamwechete navapristi nevaRevhi vakaunganidzana kuna Ezira nyanzvi yomutemo kuzodzidza zvinorehwa nomutemo. 14Vakawana mumutemo wakapiwa naTenzi nokuna Mosesi uya makanyorwa kuti: Vanhu veIsiraeri vanofanira kugara mumatumba panguva yemazuva makuru omumwedzi wechinomwe, 15uye vanofanira kutaurira vanhu nokuzivisa mumaguta avo ose nomuJerusaremu kuti, “Endai muzvikomo muuye namasanzu emiorivhi neemiorivhi yomusango neomumirite neemurara neemimwewo miti ine mashizha mazhinji okugadzirisa matumba sokunyorwa kwazvakaitwa.”
16Saizvozvo vanhu vakabuda vakandouya nawo, munhu woga woga akazvigadzirira dumba vamwe pamatenga emba dzavo nomunhandare yokusuo guru rokuMvura nomunhandarewo yokuSuo Guru rokwaEfuremu. 17Gungano rose revanhu vakadzoka vachibva kuutapwa vaye vakazvigadzirira matumba vakagara mumatumba imomo nokuti kubvira mumazuva aJoshuwa#8:17 Joshuwa Joshuwa: MuchiHebheru munoti Jeshua. mwanakomana waNuni kusvikira musi iwoyo, vanhu veIsiraeri vakanga vasati vambozviita, pakafarwa zvokufara zviya. 18Zuva nezuva kubvira pamusi wokutanga kusvikira pane wokupedzesera aiverenga muBhuku roMutemo waMwari. Vakachengeta mazuva makuru iwayo kwemazuva manomwe, pazuva rechisere pakaitwa musangano mutsvene wezvokunamata maererano nezviri pamurao.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemiya 8: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: