Nziyo 25
25
Rwiyo rwaDhavhidhi.
Munamato womunhu ari munhamo
1Ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri TENZI.
2Mwari wangu ndinovimba nemi,
musandirege ndichinyadziswa;
vavengi vangu ngavarege kunditsvinyira.
3Vose vanotarisira mamuri
ngavarege kunyadziswa;
asi vanonyengedza pasina chikonzero
ngavanyadziswe.
4TENZI, ndiziviseiwo nzira dzenyu
ndidzidziseiwo makwara enyu.
5Nditungamirireiwo muchokwadi chenyu
mundidzidzise nokuti ndimi Mwari
muponesi wangu.
Ndinotarisira kwamuri zuva rose.
6Rangarirai, TENZI, tsitsi dzenyu
uyewo mwoyochena wenyu
nokuti zvaivapo kubvira pasi chigare.
7Musarangarire zvitadzo zvapauduku hwangu
kana zvikanganiso zvangu.
Maererano nemwoyochena wenyu,
ndiyeukeiwo TENZI pamusana porunako rwenyu.
8TENZI akanaka uye akarurama
saka anodzidzisa vatadzi nzira.
9Anotungamirira vanozvirereka muururami
achidzidzisa vanozvirereka nzira yake.
10Nzira dzose dzaTENZI, mwoyochena nechokwadi
kuna vanochengeta chitenderano chake nemitemo yake.
11Pamusana pezita renyu, TENZI
ndiregerereiwo chitadzo changu
nokuti chakakura.
12Ndiani anotya TENZI?
Iyeyo ndiye waachadzidzisa
nzira yaanofanira kusarudza.
13Iye acharamba achibudirira,
vana vake vachava varidzi venyika.
14Ushamwari naTENZI ndehwevanomutya
uye anovazivisa chitenderano chake.
15Meso angu anogara akatarisa kuna TENZI
nokuti ndiye anotakanura makumbo angu mumambure.
16Ndicheukeiwo mundinzwire tsitsi
nokuti ndiri ndoga
uye ndinorwadziwa.
17Ndisunungureiwo kunhamo dziri mumwoyo mangu;
ndinyurureiwo mukushushikana kwangu.
18Tarisai kutambudzika kwangu nokunetsekana kwangu
mundiregererewo zvitadzo zvangu.
19Tarisai muone kuwanda kwakaita vavengi vangu
uye muone kundipengera kwavanoita noruvengo
vanondivenga.
20Ndichengetedzereiwo upenyu hwangu mundinunure.
Musandirege ndichinyadziswa
nokuti ndinopotera kwamuri.
21Kuva pachokwadi noururami ngazvindichengete
nokuti ndinotarisira kwamuri.
22Mwari nunurai Isiraeri kumatambudziko ayo ose.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 25: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: