Nziyo 31
31
Muimbisi, urwu Rwiyo rwaDhavhidhi.
Munamato womunhu anenge ava nenhamo
1Ndinopotera kwamuri TENZI,
musaite kuti ndinyadziswe.
Sezvamuri vakarurama kudai, ndinunureiwo.
2Rerekererai nzeve yenyu kwandiri
mukurumidze kundinunura;
ivai kwandiri dombo rokupotera naro,
nhare yakasimba yokundinunura.
3Imi ndimi dombo rangu nenhare yangu
pamusana pezita renyu,
ndiratidzei pokufamba napo munditungamirire.
4Nditakanurei mumambure andateerwa zvakavanzika
nokuti ndimi diziro rangu.
5Mumaoko enyu ndinoisa mweya wangu.
Makandinunura, TENZI, Mwari wechokwadi.
6Munovenga#31:6 Munovenga: ChiHebheru pano apa chinoti Ndinovenga. vanoremekedza vamwari
vasina maturo
asi ini ndinovimba nemi TENZI.
7Ndinopururudza nokufarira
mwoyochena wenyu
nokuti imi makaona nhamo yangu
makazivawo pfumvu yangu.
8Hamuna kundiisa mumaoko omuvengi
makandiisa munzvimbo yandinogona
kufamba pamadiro.
9Ndinzwireiwo tsitsi TENZI nokuti
ndiri munhamo.
Ziso rangu rasakara nokuchema
ndizvozvowo zvine mweya wangu nomuviri wangu.
10Upenyu hwangu hwaperera mukusuwa
namakore angu aperera mukutura befu
simba rangu rapera pamusana pepfumvu#31:10 Pfumvu: ChiHebheru chinoti uipi. yangu
mapfupa angu asakara.
11Ndinozvidzwa navavengi vangu vose,
chinhu chinoshoreka kwazvo
kuva vavakidzani vangu.
Vazivikanwi vangu vavakutonditya
vanondiona mumugwagwa vanonditiza.
12Ndakatokanganikwa somunhu akafa.
Ndaita somudziyo wakapwanyika.
13Nokuti ndiri kunzwa
vazhinji vachiita kazevezeve;
mativi ose zvangove zvinotyisa.
Pavanorangana zvokundirwisa
vachirangana zvokuda kundiuraya.
14Asi ini ndinovimba nemi TENZI
ndinoti ndimi Mwari wangu.
15Upenyu hwangu huri mumaoko enyu
ndinunureiwo mumaoko avavengi vangu
navanonditambudza.
16Ndinyevenutsireiwo mwoyo
ini muranda wenyu
mundinunurewo nemwoyochena wenyu.
17Musaite kuti ndinyadziswe, TENZI
nokuti ndinochema kwamuri.
Vakaipa ngavave ivo vanonyadziswa
ngavadzike kunzvimbo yavakafa chinyarire.
18Miromo inoreva nhema ngainyaradzwe,
inotaura zvakaipa kuvarurami
ichizvikudza nokuzvitutumadza nokuzvidza.
19Hakusi kuwanda ikoko kwezvakanaka
zvamakaunganidzira vanokutyai,
zvamunoitira vanopotera mamuri
vanhu vachiona.
20Nokuvapo kwenyu munovahwandisa
kune zvinorongwa navanhu,
munovavanza mudumba#31:20 Mudumba: Riri kunzi dumba apa iTemberi. renyu
kunhamo dzavana vana pamuromo
21TENZI ngaarumbidzwe
nokuti akandiratidza zvinoshamisa
mwoyochena wake
pandaive ndakakombwa,
seguta riri kurwiswa.
22Pandaive ndadumbirwa ndakati
ndadzingirwa kure nemi
asi imi makanzwa munamato wangu
pandakachemera rubatsiro kwamuri.
23Idai TENZI imi vatsvene vake.
TENZI anochengeta vakatendeka vake;
asi anoranga zvakanyanya munhu wose
anozvikudza.
24Simbai mutsunge mwoyo
imi mose munotarisira muna TENZI.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 31: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Nziyo 31
31
Muimbisi, urwu Rwiyo rwaDhavhidhi.
Munamato womunhu anenge ava nenhamo
1Ndinopotera kwamuri TENZI,
musaite kuti ndinyadziswe.
Sezvamuri vakarurama kudai, ndinunureiwo.
2Rerekererai nzeve yenyu kwandiri
mukurumidze kundinunura;
ivai kwandiri dombo rokupotera naro,
nhare yakasimba yokundinunura.
3Imi ndimi dombo rangu nenhare yangu
pamusana pezita renyu,
ndiratidzei pokufamba napo munditungamirire.
4Nditakanurei mumambure andateerwa zvakavanzika
nokuti ndimi diziro rangu.
5Mumaoko enyu ndinoisa mweya wangu.
Makandinunura, TENZI, Mwari wechokwadi.
6Munovenga#31:6 Munovenga: ChiHebheru pano apa chinoti Ndinovenga. vanoremekedza vamwari
vasina maturo
asi ini ndinovimba nemi TENZI.
7Ndinopururudza nokufarira
mwoyochena wenyu
nokuti imi makaona nhamo yangu
makazivawo pfumvu yangu.
8Hamuna kundiisa mumaoko omuvengi
makandiisa munzvimbo yandinogona
kufamba pamadiro.
9Ndinzwireiwo tsitsi TENZI nokuti
ndiri munhamo.
Ziso rangu rasakara nokuchema
ndizvozvowo zvine mweya wangu nomuviri wangu.
10Upenyu hwangu hwaperera mukusuwa
namakore angu aperera mukutura befu
simba rangu rapera pamusana pepfumvu#31:10 Pfumvu: ChiHebheru chinoti uipi. yangu
mapfupa angu asakara.
11Ndinozvidzwa navavengi vangu vose,
chinhu chinoshoreka kwazvo
kuva vavakidzani vangu.
Vazivikanwi vangu vavakutonditya
vanondiona mumugwagwa vanonditiza.
12Ndakatokanganikwa somunhu akafa.
Ndaita somudziyo wakapwanyika.
13Nokuti ndiri kunzwa
vazhinji vachiita kazevezeve;
mativi ose zvangove zvinotyisa.
Pavanorangana zvokundirwisa
vachirangana zvokuda kundiuraya.
14Asi ini ndinovimba nemi TENZI
ndinoti ndimi Mwari wangu.
15Upenyu hwangu huri mumaoko enyu
ndinunureiwo mumaoko avavengi vangu
navanonditambudza.
16Ndinyevenutsireiwo mwoyo
ini muranda wenyu
mundinunurewo nemwoyochena wenyu.
17Musaite kuti ndinyadziswe, TENZI
nokuti ndinochema kwamuri.
Vakaipa ngavave ivo vanonyadziswa
ngavadzike kunzvimbo yavakafa chinyarire.
18Miromo inoreva nhema ngainyaradzwe,
inotaura zvakaipa kuvarurami
ichizvikudza nokuzvitutumadza nokuzvidza.
19Hakusi kuwanda ikoko kwezvakanaka
zvamakaunganidzira vanokutyai,
zvamunoitira vanopotera mamuri
vanhu vachiona.
20Nokuvapo kwenyu munovahwandisa
kune zvinorongwa navanhu,
munovavanza mudumba#31:20 Mudumba: Riri kunzi dumba apa iTemberi. renyu
kunhamo dzavana vana pamuromo
21TENZI ngaarumbidzwe
nokuti akandiratidza zvinoshamisa
mwoyochena wake
pandaive ndakakombwa,
seguta riri kurwiswa.
22Pandaive ndadumbirwa ndakati
ndadzingirwa kure nemi
asi imi makanzwa munamato wangu
pandakachemera rubatsiro kwamuri.
23Idai TENZI imi vatsvene vake.
TENZI anochengeta vakatendeka vake;
asi anoranga zvakanyanya munhu wose
anozvikudza.
24Simbai mutsunge mwoyo
imi mose munotarisira muna TENZI.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.