Nziyo 45
45
Muimbisi, rumbo urwu nderwevenyere, inhetembo yevekwaKora rumbo rwerudo.
Rwiyo rwomuchato wamambo
1Mwoyo wangu unotutuma namashoko akanaka
ndinodetemba nhetembo yangu kuna Mambo
rurimi rwangu rwakaita sepenzura
yenyanzvi yomunyori.
2Imi makanaka chimiro kupinda vanhu vose
mune rurimi runotaura zvinonwisa mvura;
saizvozvo Mwari akakukomborerai narini narini.
3Imi gamba pakatirai bakatwa renyu
rinokupai mbiri nechiremera chenyu,
4mufambe nechiremera nokukunda kwenyu
muchimiririra chokwadi noruenzaniso
ruoko rwenyu rworudyi ruratidze zviito zvinotyisa.
5Miseve yenyu yakapinza
inobaya mwoyo yavavengi venyu, mambo.
Vanhu vanowira pasi penyu
6chigaro chenyu choushe chakagadzwa naMwari
chinogara nokusingaperi.
Tsvimbo yenyu youshe itsvimbo yokutendeka.
7Munoda ururami
muchivenga uipi,
naizvozvo Mwari, Mwari wenyu akakuzodzai
namafuta anoratidza kufara
kuti muve pamusoro pavamwe venyu.
8Magemenzi enyu anonhuwirira
mura nearosi nekasia.
Mumuzinda wenyu wakashongedzwa
nenyanga dzenzou,
madimbwa anokufadzai.
9Vanasikana vamambo varipo
pakati pavakadzi vomumuzinda,
kurudzi kwenyu kwakamira mambokadzi
anezvishongo zvendarama yokuOfiri.
10Chinzwa mwanasikana,
nyatsopafungisisa uteerere:
vanhu vokwako neveimba yokwababa vako kanganwa.
11Mambo achafadzwa norunako rwako.
Zvaari tenzi wako mukotamire.#45:11 Muzura kuratidza rukudzo kwomunhukadzi achingotyora mabvi zvishomanana.
12Vanhu vokuTire vachakuunzira zvipo,
ivo vapfumi chaivo
13vachakuunzirai upfumi hworudzi norudzi.
Mukunda anoshongedzwa muimba make
namagemenzi akarukwa nendarama.
14Anozotungamidzwa kuna mambo
akapfeka magemenzi ana mavara mavara
aine mhandara dzake dzokumuperekedza
mudungwerungwe rake.
15Vanotungamirirwa nomufaro
vachipururudza vachipinda
mumuzinda wamambo.
16Vokutsiva madzibaba enyu, mambo
muchava navana
muchavaita madzishe apanyika pose.
17Ndichaita kuti zita renyu rirangarirwe
pazvizvarwa zvose
naizvozvo marudzi avanhu
achakurumbidzai narini narini.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 45: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: