Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 65

65
Muimbisi, urwu Rwiyo rwaDhavhidhi. Rumbo.
Rwiyo rwokurumbidza nokutenda
1Mwari imi munofanira
kurumbidzwa muZioni
uye kuitirwa zvamakatsidzirwa.
2Imi munonzwa munamato,
vanhu vose vachauya kwamuri
3nemhaka yezvitadzo.
Kana zvikanganiso zvedu zvatikurira
munozviregerera.
4Akakomborerwa zvake
munhu wamunosarudza
muchimuunza padyo
kuti agare munhandare menyu.
Munotigutsa nezvakanaka
zvemba yenyu, Temberi yenyu inoera.
5Munopindura muchitinunura
nezviito zvenyu zvinotyisa,
imi, Mwari mununuri wedu,
imi chitarisiro chavanhu vose
kusvikira kose kwakaperera nyika,
kusvikira kumakungwa
ari kwokupedzisira chaiko.
6Imi makadzika makomo nesimba renyu,
makapfeka simba renyu
7imi munonyaradza
kutinhira kwamakungwa
nokutinhira kwamasaisai awo
namanyongori avanhu
8zvokuti vanhu vanogara kure kure
kwakaperera nyika
vanotya zviratidzo zvenyu.
Munoita kuti mambakwedza
nerubvunzavaeni zvipembere norufaro.
9Munoshanyira nyika
muchiidiridza,
munoipfumisa zvikuru.
Rukova rwaMwari ruzere mvura
ndimi munopa vanhu mbesa dzavo
ndiwo marongero amakazviita.
10Munozadza mihoronga yayo nemvura zhinji
nokusimbisisa mihomba yayo
muchinyorovesa nokunaya kwayo
nokukomborera zvinomera mairi.
11Munopedzisa gore nomukoho wakawanda.
Panofamba ngoro dzenyu pachidonha mafuta.
12Mafuro omusango anenge achiyerera
zvikomo zvinenge zvazara rufaro.
13Mafuro atekeshera nezvipfuwo,
mapani azara nembesanwa.
Zvinopembera nokuimba pamwechete norufaro.

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 65: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda