Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 22:1-21

Zvakaratidzwa 22:1-21 SCLB

Zvino mutumwa akazondiratidza rwizi rwemvura youpenyu yakachena sezvimedu zvedombo romusarasara rwuchierera ruchibva pachigaro choumambo chaMwari necheHwayana napakati pomugwagwa weguta. Kumativi ose erwizi, kwaiva nomuti woupenyu unobereka muchero gumi nakaviri uchibereka muchero mwedzi woga woga; mashizha awo anorapa ndudzi dzavanhu. Hapachazovapo nokurengererwa rushambwa asi chigaro chaMwari choumambo necheHwayana zvichava muguta iroro; varanda vake vachamugwadamira vachimunamata. Vachaona uso hwake uye zita rake richava pahuma dzavo. Hapachazovazve nousiku, havazoda kuvhenekerwa nomwenje kana nezuva; nokuti Tenzi Mwari ndiye achava chiedza chavo uye vachatonga narini narini wose. Mutumwa akati kwandiri, “Mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi Tenzi Mwari wemweya yavaporofita akatuma mutumwa wake kuti azoratidza varanda vake zvichaitika zvino uno.” “Chinzwa ndiri kuuya nokukurumidza. Akakomborerwa zvake anochengeta mazwi okuporofita ebhuku rino. Ini Johani ndini iye ndakanzwa ndikaona zvinhu izvi.” Pandakazvinzwa nokuzviona, ndakati pasi gwadagwa kupfugamira patsoka dzomutumwa akandiratidza zvinhu izvi. Asi iye akanditi, “Usadaro, ini ndiri mushandipamwe newe uye pamwe navaporofita, hama dzako navanochengeta mazwi ebhuku rino iri. Mwari ndiye waunofanira kugwadamira uchinamata.” Akatizve kwandiri, “Usavige mazwi okuporofita aya, nokuti nguva yavakutosvika. Muiti wezvakaipa angangoita zvake zvakaipa wetsvina angangorambawo zvake achiita zvetsvina izvozvo; woururami achiitawo zvake zvakarurama nomutsvene achiitawo zvoutsvene. “Asi ndiri kuuya nokukurumidza ndakatakura mubayiro wangu kuti ndizopa munhu wose zvakaenzanirana nezvaakaita. Ndini Arifa naOmega ndini wokutanga nowokupedzisira ndini mavambo namagumo ezvinhu. “Vakakomborerwa vanogeza magemenzi avo kuti vave nemvumo yokudya muti woupenyu uye kuti vave nemvumo yokupinda napamisuo mikuru yeguta. Kunze uku kunenge kuine imbwa dzavanhu navaroyi nemhombwe nemhondi navanamati vezvinhu zvisiri Mwari navanofarira uye vanoita zvamanyepo. Ini Jesu ndini ndatumira mutumwa wangu kwamuri nouchapupu uhu kumasangano. Ndini dzinde nebukira raDhavhidhi ndini hweva yamangwanani.” Mweya nemwenga vanoti, “Uya.” Anenge azvinzwa ngaati, “Uya.” Anenge ane nyota ngaauye; anoda ngaatore zvake mvura youpenyu pasina muripo. Ndinoyambira munhu wose anonzwa mazwi okuporofita omubhuku rino. Munhu anoawedzera, Mwari achamuwedzerawo pfumvu dzakatsanangurwa mubhuku rino. Munhu anobvisawo mamwe mazwi okuporofita uku Mwari achabvisa mugove wake uri mumuti woupenyu nomugove wake muguta dzvene zvinotsanangurwa mubhuku rino iri. Iye ari kutaura zvinhu izvi anoti, “Chokwadi ndiri kuuya zvino uno.” Ameni uyai Tenzi Jesu. Chikomborero chokuitirwa nyasha naTenzi wedu Jesu ngachive navanhu vose. Ameni.