Zvakaratidzwa Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku iri rakanyorwa naJohani pachitsuwa chePatimosi panguva yaitambudzwa vakristu. Vaitambudzirwa chitendero chavo muna Jesu Kristu. Chinangwa chikuru chaJohani, paakanyora bhuku iri, chaiva chokuti vanamati vanoriverenga varege kurasa mwoyo, varambe vakatsunga mwoyo, varege kudzokera shure mukunamata kwavo, varambe vakatendeka panguva yenhamo namatambudziko.
Ndima huru yebhuku iri yakazara nezviratidzo nezvakaratidzwa Johani. Zvayakanga iri nguva yenhamo nokushushwa, nguva yokutambura vachiurairwa chitendero chavo, nguva yehondo kuvakristu, Johani aitaura namadimikira. Mukuvanyevera kwake aibaira vanamati zanhi nokuvaruma nzeve asi achirova imbwa akaviga mupinyi. Zvinhu zvizhinji zvaanodoma namazita zvakaita sezvikara nomukadzi, namabhosvo, namagemenzi machena, namanhamba (76661444) nemirara nebakatwa hazvirevi zvazvinoreva mazuva ose.
Zvidzidziso zvebhuku iri zvinodzokororwa kakawanda nenzira dzakasiyana–siyana. Asi chidzidziso chikuru chebhuku iri chinonyatsobuda pachena ndechokuti, nokuna Jesu Tenzi naMambo wedu, Mwari, pakupedzisira achakurira vavengi vake vose pamwechete naSatani uye kuti achapa kuvanhu vake vakatendeka chikomborero nomubayiro weDenga idzva neNyika itsva. Naizvozvo bhuku iri rinotaura nezvakaitika richipa zvinobatsira nhasi asi rakatarisazve kune zvichazoitika.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raZvakaratidzwa Johani
A: Shoko Rokusuma (1:1–20)
B: Tsamba kumasangano manomwe anoti rokuEfeso nerokuSimuna nerokuPerigamumu nerokuTiatira nerokuSadhisi nerokuFiradhefia nerokuRaodhesia (2:1—3:22)
C: Zviratidzo zvezvinhu zvichauya (4:1—22:5)
1. Chiratidzo chakaonekwa mudenga (4:1—5:14)
2. Namo nomwe (6:1—7:17)
3. Mabhosvo manomwe (8:1—11:19)
4. Zigaranyanya neHwayana (12:1—14:20)
a) Mukadzi neZigaranyanya (12:1–18)
b) Zvikara zviviri (13:1–18)
c) Zviratidzo zvitatu (14:1–20)
5. Ndiro nomwe (15:1—16:21)
6. Kuparadzwa kweBhabhironi, nokukurirwa kwechikara, vaporofita venhema, Satani (17:1—20:10)
7. Dare rokutonga rokupedzisira, Denga idzva nenyika itsva neguta reJerusaremu idzva (20:11—22:5)
D: Mazwi okuzarira (22:6–21)
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakaratidzwa Zviri mubhuku rino: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: