Varoma 16
16
Mazwi okuonekana
1Ndinoturira kwauri hanzvadzi yedu Febhi mutungamiriri mushandiri wesangano rokuKenikerie kuti mumugamuchire muzita raTenzi#16:1 Muzita raTenzi: MuchiGiriki munoti muna Tenzi. zvinokodzerana navatsvene. 2Mubatsirei muna zvose zvaangade kwamuri nokuti iye akabatsirawo vazhinji kunyange ini.
3Ndikwazisirei Prisika naAkwira vashandi pamwe neni mubasa raKristu Jesu 4vakapinda munjodzi yokuda kudimburwa musoro pamusana pangu. Vanotendwa, kwete neni ndoga, asi kunyange namasanganowo ose evechirudzi. Ndikwazisireiwo sangano rinopindira pamba pavo. 5Ndikwazisireiwo Epenetusi wapamwoyo, akava wokutanga kuAsia kupindukira kuna Kristu. 6Ndikwazisireiwo Maria akashanda nesimba pakati penyu. 7Ndikwazisireiwo Andironikusi naJuniasi hama dzangu vakanga vari vamwe vangu muusungwa, varume vanoremekedzeka pakati pavapositori. Vakanditangira kuva naKristu.
8Ndikwazisireiwo Ambiriatusi shamwari yangu yapamwoyo muna Kristu. 9Ndikwazisireiwo Urubhanusi mushandi pamwe neni mubasa raKristu naSitakisi, wangu wapamwoyo. 10Ndikwazisireiwo Aperesi, munhu akatendeka kuna Kristu. Ndikwazisirei vemhuri yaAristobhurusi, 11mundikwazisirewo hama yangu Herodioni. Ndikwazisireiwo muna Tenzi vemhuri yokwaNarisisusi.
12Ndikwazisireiwo vashandi pamwe nesu muna Tenzi Tirifena naTirifosa, mundikwazisirewozve Perisi wapamwoyo akashanda zvakaomarara mubasa raTenzi. 13Ndikwazisireiwo Rufusi mukuru mukuru mubasa raTenzi naamai vake vari amai vanguwo. 14Ndikwazisireiwo Asingiretusi naFiregoni naHemesi naPatrobhasi naHemasi nevehama vavanawo. 15Ndikwazisireiwo zvakare Firorogusi naJuria naNereusi nehanzvadzi yake naOrimbasi navatsvene vose vavanavo.
16Kwazisanai muchitsvodana#16:16 MuchiGiriki munoti kwazisanai muchitsvodana zvitsvene. zvitsvene. Masangano ose aKristu anokukwazisai.
Yambiro yokupedzisa
17Ndinokukumbirisai hama dzangu kuti munyatsoongorora avo vanopesanisa vanhu nokuunza zvimhingamupinyi vachirwisa zvidzidzo zvamakadzidziswa. Siyanai navo. 18Vanhu vakadaro havasipo kushandira Tenzi wedu Kristu asi havi dzavo. Vanonyengedza vasina kuchenjera nokunatsa mukanwa kwavo namazwi anotapira. 19Guhu rokuteerera kwenyu rakapararira kose kose zvokuti ndinofara kwazvo nemi. Ini ndingade kuti muve shasha pakuita zvakanaka asi muve samazirema zvenyu pakuita zvakaipa. 20Ipapo Mwari worugare anobva apwanyira Satani pasi petsoka dzenyu. Dai Tenzi wedu Jesu Kristu angokuitirai nyasha.
21Timoti wandinoshanda naye, anokukwazisaiwo pamwechete naRukio naJasoni, naSosipata hama dzangu. 22Ini Tetiusi munyori wetsamba ino ndinokukwazisaiwo muna Tenzi. 23Gayusi ari kundichengeta mumba make uye ari kuchengeta sangano rose mumba make ari kukukwazisai. Erasitusi sahomwe weguta rino nehama yedu Kwatusi vanokukwazisai.#16:23 Ndima iyi muBhaibhiri rechiGiriki hamuna asi inonzi inoti: “Jesu Kristu nenyasha dzake ngaave nemi.”
Munamato wokupedzisa
25Ngatirumbidzei iye anogona kukusimbisai maererano neShoko rangu Rakanaka uye maererano nokuparidza kwaJesu Kristu uye nokuzarurwa kwezvakanga zvakavandika kwenguva ndefu asi zvino zvakazoburitswa pachena. 26Uye nezvakanyorwa navaporofita zvikazoziviswa kumarudzi ose maererano nezvakanzi naMwari wokusingaperi ngazviziviswe kuti kuve nokuteerera kunounzwa nechitendero. 27Mbiri ngaipiwe kuna Mwari oga anoungwaru nokuna Jesu Kristu nokusingaperi. Ameni.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 16: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: