Titosi 1
1
1Ndini Pauro; muranda waMwari nomupositori waJesu Kristu kuti ndiendese mberi chitendero chavasarudzwi vaMwari uye kuti ndiendese mberi kuziva kwavo chokwadi chinowirirana nokunamata Mwari. 2Ndinoita izvi pamusana pechitarisiro choupenyu husingaperi hwakatsidzirwa pasichigare naMwari asingarevi nhema. 3Hwakazoratidzwa pachena mushoko rake, panguva kwayo nokuparidza kwandakaturirwa maererano nokukudzwa kwandakaitwa naMwari mununuri wedu.
4Ndiri kunyorera iwe Titosi mwana wangu chaiye muchitendero chimwetecho neni. Dai wangowana chikomborero chenyasha norugare zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Kristu Jesu mununuri wedu.
Basa raTitosi rokugadza vakuru vakuru musangano
5Ndizvo zvandakakusiira kuKiriti kuti unyatsoronga zvisina kurongeka uye kuti usarudze nokugadza vakuru vesangano#1:5 Vesangano: ChiGiriki chinongoti vakuru kubva kuizwi rokuti Puresibuterosi ndiko kunobva izwi redu rokuti mupristi. mumaguta ose sokukuudza kwandakaita. 6Anofanira kunge munhu asina chaangashorwe nacho, murume womukadzi mumwechete ana vana vatendi vasiri nhunzvatunzva dzavana kana tsvuuramuromo. 7Mubhishopi somutariri wezvaMwari anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa. Haafaniri kuva munhu ano mukundo kana chinya kana chiradza chedoro kana munhu wedzivo kana kuti anokarira pfuma. 8Asi anofanira kuva munhu anogamuchira vaenzi zvakanaka nomunhu anoda zvakanaka ane hunhu akamira pachokwadi, mutsvene anozvibata. 9Anofanira kubatisisa kushoko rechokwadi sokudzidziswa kwazvakaitwa kuti agone kudzidzisa chidzidziso chechokwadi uye kugona kupwisa vanopesana naro.
10Nokuti kune tsvuuramuromo dzakawanda dzisingamharwi muromo nenhunzi, vanyengedzi zvikuru vebato rokudzingiswa. 11Vanofanira kunyararidzwa nokuti vanonyonganisa mhuri nemhuri vachidzidzisa kuti vangozvipfumisa nezvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa. 12Mumwe wavo, muporofita wavo pachavo akati vaKiriti vatauri venhema nguva dzose, zvikara zvakaipa, nyope dzavanhu dzina makaro. 13Uchapupu uhu ndewechokwadi; naizvozvo vatsiure zvakasimba kuti vave nechitendero chezvirokwazvo, 14panze pokuteerera ngano dzechiJudha kana mitemo inoiswa navanhu vanoramba chokwadi. 15Kuna vakachena, zvose zvakachena asi kuno munhu ane tsika dzakaora asingatendi hapana chakachena. Pfungwa dzavo chaidzo nehana dzavo dzakaodzwa. 16Vanoti vanoziva Mwari asi vanomuramba nezviito zvavo. Vanosemesa, havateereri, havakodzeri basa ripi neripi zvaro rakanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
Titosi 1: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: