Titosi 3
3
Mugariro kwawo wavakristu
1Yeuchidza vanhu ivavo kuti vazviise pasi pavatongi navabati venyika kuti vave vanhu vanoteerera uye kuti vave vakagadzirira kuita basa ripi neripi zvaro rakanaka; 2vasingatauri zvakaipa zvaani nani zvake, vanzvenge kupopotana navanhu; vave vanhu vakanyorova uye varatidze rukudzo rwakaperera kuna vanhu vose. 3Nokuti iyesuwo pachedu, takambenge takazungaira, tiri vanhu vasingateereri vakatetereka tiri varanda vehavi vanamafaro akasiyana–siyana tichipedzera mazuva edu muuipi neshanje tichivengwa navanhu uye isu tichivengana. 4Asi pakazoratidzwa mutsa norudo rwaMwari Mununuri wedu 5akatinunura kwete nezvatakaita isu muururami asi pamusana pengoni dzake nokushambidzwa kokuzvarwa patsva 6nokuvandudzwa naMweya Mutsvene waakawodzworera matiri nokuna Jesu Kristu Mununuri wedu 7kuti tiruramiswe nenyasha dzake tichiva vagari venhaka nechitarisiro choupenyu husingaperi. 8Izvi ndezvechokwadi.
Ndinoda kuti iwe usimbisise zvinhu izvi, kuti avo vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira kumabasa akanaka. Izvi zvakanakisa kwazvo uye zvinobatsira vanhu. 9Asi iwe nzvenga nharo dzoupenzi dzezvemirongorongo yamazita amadzinza nokusawirirana nokuitirana nharo nezvomutemo nokuti hazvina chimuko kana maturo. 10Munhu anoparadzanisa vanhu ukamutsiura kamwechete kana kaviri, chirega kuva nechii zvacho chokuita naye. 11Zvinobva zvakuzivisa kuti munhu akadaro ahedhuka uye mutadzi akatozvipa mhosva.
Mashoko okuoneka
12Kana ndatumira Aritemasi kana kuti Tikikusi kwauri, edza nokwaunogona nako kose kuuya kwandiri kuNikoporisi; nokuti ndafunga zvokundopedza mwaka wechando ikoko. 13Edza nokwaunogona kubatsira gweta, Zenasi naAporosi parwendo rwavo kuti varege kuva nechavanoshaya. 14Vanhu veduwo ngavadzidze kuzvipira mumabasa akanaka kuti vabatsire pazvinhu zvinenge zvichifanira kuti zviitwe, kwete kungogara maoko.
15Vose vandinavo vanokukwazisa. Ndikwazisirewo vaya vanotida muchitendero. Chikomborero chenyasha ngachive nemi mose.
Zvasarudzwa nguva ino
Titosi 3: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: