Zekariya 5
5
Chiratidzo chaakaona chebhuku rokumononora
1Ndakasimudza musoro ndikatarisa wonei bhuku rokumononora richibhururuka. 2Akabva anditi, “Ko chii chauri kuona?”
Ndakadavira ndichiti, “Ndiri kuona bhuku rekumononora riri kubhururuka. Urefu hwaro hunoita mamita mapfumbamwe uye upamhi hwaro huchiita mamita mana ane hafu.”
3Akazoti kwandiri, “Irworwu urwu ndirwo rushambwa rwawira pamusoro penyika yose nokuti kubvira iye zvino anenge angoba chete anosungirwa kuparadzwa zvichienderanawo norushambwa irworwo uye anopika nhema achaparadzwa zvechienderana narwo. 4Ndini charwutumidzira, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo rugopinda mumba membavha nomumba memunhu anopika zvenhema nezita rangu rwuchagara mumba make rwuiroromese mapango zvose namatombo.”
Kuonesa chiratidzo chomukadzi aiva mubhaghidhi
5Mutumwa aitaura neni uya akauyapo akati kwandiri, “Simudza musoro uone kuti zvii zvavakuuya.”
6Ini ndakati, “Chiiko?”
Akati, “Ibhaghidhi riri kuuya.” Akatiwo, “Irori ndiho uipi hwavo munyika iyoyi yose zvayo.”
7Ndiye onei chivharo chomutobvu chakuduburwa. Izvozvo makanga muina mukadzi agere mubhaghidhi imomo. 8Mutumwa uya ndokuti, “Uhu huipi uhu.” Akabva amukanda pasi imomo mubhaghidhi makare akaroverera pasi chivharo chacho chomutobvu chairema pamuromo waro. 9Ndakasimudza musoro ndikaona havo vakadzi vaviri vachiuya mberi. Mhepo yakanga iri mumapapiro mavo. Vaiva vane mapapiro akaita semapapiro eshuramurove. Vakasumudzira bhaghidhi iroro pakati penyika nedenga.
10Ndakabvunza mutumwa aitaura neni uya kuti, “Ko ivava vava kuendesa bhaghidhi iroro kupi?”
11Akanditi, “Kunyika yeShinari#5:11 YeShinari: Kana kuti munyika yeBhabhironi. kundorivakira imba yokunamatira. Rikange ravakirwa saizvozvo richagadzikirwa pachigadzikiro paro.”
Zvasarudzwa nguva ino
Zekariya 5: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: