19
PaGomo reSinai
1Mumwedzi wechitatu shure kwokunge vaIsraeri vabva kuIjipiti, pazuva racho iroro, vakasvika kuRenje reSinai. 2Shure kwokusimuka kwavo kubva paRefidhimu, vakapinda muRenje reSinai, uye vaIsraeri vakadzika misasa imomo murenje pamberi pegomo.
3Ipapo Mozisi akakwira kuna Mwari, uye Jehovha akadana kwaari ari mugomo akati, “Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuimba yaJakobho uye zvaunofanira kuudza vanhu veIsraeri: 4‘Iwe pachako wakaona zvandakaita kuIjipiti, uye kuti ndakakutakurai sei pamapapiro egondo ndikakusvitsai kwandiri. 5Zvino kana muchinditeerera nomwoyo wose uye mukachengeta sungano yangu, ipapo muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose. Kunyange hazvo nyika yose iri yangu, 6muchava kwandiri umambo hwavaprista uye rudzi rutsvene.’ Aya ndiwo mashoko aunofanira kutaura kuvaIsraeri.”
7Saka Mozisi akadzokera akadana vakuru vavanhu akaisa pamberi pavo mashoko ose aakanga arayirwa naJehovha kuti ataure. 8Vanhu vose vakapindura pamwe chete vachiti, “Tichaita zvose zvakarehwa naJehovha.” Saka Mozisi akadzosera mhinduro yavo kuna Jehovha.
9Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndiri kuzouya kwauri ndiri mugore gobvu, kuitira kuti vanhu vagondinzwa ndichitaura newe vagoramba vachivimba newe.” Ipapo Mozisi akaudza Jehovha zvakanga zvarehwa navanhu.
10Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuvanhu undovanatsa nhasi namangwana. Uite kuti vawache nguo dzavo 11uye vange vagadzirira nezuva rechitatu, nokuti pazuva iroro Jehovha achaburuka paGomo reSinai pamberi pavanhu vose. 12Uisire vanhu miganhu yakapoteredza gomo ugovaudza kuti, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo kana kubata mujinga maro. Ani naani achabata gomo achaurayiwa, zvirokwazvo. 13Zvirokwazvo achatakwa namabwe kana kubayiwa nemiseve; hakuna ruoko ruchamubata. Angava munhu kana chipfuwo, haangatenderwi kurarama.’ Vangakwira havo kugomo kana bedzi hwamanda yorunyanga rwegondobwe yaramba ichirira.”
14Shure kwokuburuka kwaMozisi mugomo achienda kuvanhu, akavanatsa, uye ivo vakashambidza nguo dzavo. 15Ipapo akati kuvanhu, “Zvigadzirirei nezvezuva rechitatu. Murege kurara navakadzi venyu.”
16Panguva yamangwanani yezuva rechitatu pakava nokutinhira uye nemheni, negore gobvu rakafukidza gomo, uye kurira kukuru kwehwamanda. Munhu wose aiva mumisasa akadedera. 17Ipapo Mozisi akatungamirira vanhu vachibuda mumisasa kuti vandosangana naMwari, uye vakandomira mujinga megomo. 18Gomo reSinai rakanga rakafukidzwa noutsi, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakapfungaira huchikwira kumusoro soutsi hwakanga huchibva pavira romoto, gomo rose rakazungunuka nesimba guru, 19uye inzwi rehwamanda rakanyanya kurira nokurira kukuru. Ipapo Mozisi akataura uye inzwi raMwari rikamupindura.
20Jehovha akaburukira pamusoro peGomo reSinai uye akadana Mozisi kuti auye pamusoro pegomo. Saka Mozisi akakwirako 21uye Jehovha akati kwaari, “Buruka unoyambira vanhu kuti varege kumanikidzira kupinda kuti vandoona Jehovha vazhinji vavo vakazofa. 22Kunyange vaprista, vanoswedera kuna Jehovha, vanofanira kuzvinatsa, kuti Jehovha arege kuvaparadza.”
23Mozisi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangakwiri muGomo reSinai, nokuti imi pachenyu makatiyambira mukati, ‘Isai miganhu yakapoteredza gomo uye muritsaure kuti rive dzvene.’ ”
24Jehovha akapindura akati, “Buruka undotora Aroni ukwire naye kuno. Asi vaprista navanhu havafaniri kumanikidzira kusvika kuno kuna Jehovha, nokuti angavaparadza.”
25Saka Mozisi akaburuka akaenda kuvanhu akandovaudza.