8
Kunyorwa kwaMazita aVakuru veMhuri Vakadzokera naEzira
1Ava ndivo vakuru vemhuri naavo vakanyorwa pamwe chete navo vakauya pamwe chete neni kubva kuBhabhironi panguva yokutonga kwaMambo Atazekisesi:
2kuzvizvarwa zvaFinehasi,
Gerishomi;
kuzvizvarwa zvaItamari,
Dhanieri;
kuzvizvarwa zvaDhavhidhi,
Hatushi 3akabva kuzvizvarwa zvaShekania;
kuzvizvarwa zvaParoshi,
Zekaria, uye pamwe chete naye kwakanyorwa varume zana namakumi mashanu;
4kuzvizvarwa zvaPahati-Moabhu,
Eriehoenai mwanakomana waZekaria, uye pamwe chete naye varume mazana maviri;
5kuzvizvarwa zvaZatu,
Shekania mwanakomana waJahazieri, uye pamwe chete naye varume mazana matatu;
6kuzvizvarwa zvaAdhini,
Ebhedhi mwanakomana waJonatani, uye pamwe chete naye varume makumi mashanu;
7kuzvizvarwa zvaEramu,
Jeshaya mwanakomana waAtaria uye pamwe chete naye varume makumi manomwe;
8kuzvizvarwa zvaShefatia,
Zebhadhia mwanakomana Mikaeri, uye pamwe chete naye varume makumi masere;
9kuzvizvarwa zvaJoabhu,
Obhadhia mwanakomana waJehieri, uye pamwe chete naye varume mazana maviri negumi navasere;
10kuzvizvarwa zvaBhani,
Sheromiti mwanakomana waJosifia, uye pamwe chete naye varume zana namakumi matanhatu;
11kuzvizvarwa zvaBhebhai,
Zekaria mwanakomana waBhebhai, uye pamwe chete naye varume makumi maviri navasere;
12kuzvizvarwa zvaAzigadhi,
Johanani mwanakomana waHakatani, uye pamwe chete naye varume zana negumi;
13kuzvizvarwa zvaAdhonikami,
ivo vokupedzisira, mazita avo vaiti Erifereti, Jeuyeri naShemaya, uye pamwe chete navo varume makumi matanhatu;
14kuzvizvarwa zvaBhigivhai,
Utai naZakuri, uye pamwe chete navo varume makumi manomwe.
Kudzokera kwevakanga vatapwa kuJerusarema
15Ndakavaunganidza vose parwizi runoerera rwakananga kuAhavha, uye takagarapo pamisasa kwamazuva matatu. Pandakacherechedza pakati pavanhu navaprista, handina kuona vaRevhi pakati pavo. 16Nokudaro ndakadana Eriezeri, Arieri, Shemaya, Erinati, Jaribhi, Erinatani, Natani, Zekaria, naMeshurami, avo vakanga vari vatungamiri naJoyaribhi naErinatani, avo vakanga vari varume vakadzidza, 17uye ndakavatuma kuna Idho, mutungamiri womuKasifia. Ndakavaudza zvokutaura kuna Idho nehama dzake, varanda vomutemberi muKasifia, kuitira kuti vagouya navashandi vomumba maMwari wedu kwatiri. 18Nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwakanga rwuri pamusoro pedu, vakauya naSherebhia, murume aiva nounyanzvi, akabva kuzvizvarwa zvaMari, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsraeri, uye navanakomana vaSherebhia nehama dzake, varume gumi navasere, 19uye Hashabhia, pamwe chete naJeshaya aibva kuzvizvarwa zvaMerari, nehama dzake navana vavo, varume makumi maviri. 20Vakauyawo navaranda vomutemberi mazana maviri namakumi maviri, uwandu hwakanga hwanyorwa naDhavhidhi namakurukota kuti vabatsire vaRevhi. Vose vakanga vakanyorwa mazita avo.
21Ipapo, paRwizi rweAhavha, ndakatara nguva yokutsanya kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu uye kuti timukumbire kuti atifambise rwendo rwakanaka isu navana vedu nepfuma yedu yose. 22Nokuti ndakanyara kukumbira mambo kuti atipe varwi navatasvi vamabhiza kuti vatirwire kubva kuvavengi vedu parwendo nokuti takanga taudza mambo kuti, “Ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwuri pamusoro pomunhu wose anotarira kwaari.” 23Naizvozvo takatsanya uye tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, uye akapindura munyengetero wedu.
24Ipapo ndakatsaura vaprista vaitungamira gumi navaviri, pamwe chete naSherebhia, naHashabhia uye nehama dzavo gumi, 25uye ndakavaerera zvipiriso zvesirivha negoridhe nemidziyo yakanga yapiwa kuimba yaMwari wedu namambo navapi vake vamazano namakurukota ake uye navaIsraeri vose. 26Ndakavaerera matarenda mazana matanhatu namakumi mashanu#8:26 matani angaita 22 esirivha, nemidziyo yesirivha yairema matarenda zana#8:26 matani angaita 3.4, namatarenda zana egoridhe, 27mbiya dzegoridhe makumi maviri dzaikosha madhariki chiuru chimwe chete#8:27 makirogiramu angaita 8.5, uye nemidziyo miviri yakaisvonaka yendarira yaibwinya, inokosha segoridhe.
28Ndakati kwavari, “Imi pamwe chete nemidziyo iyi makatsaurirwa Jehovha. Sirivha negoridhe ndizvo zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu. 29Muzvirinde zvakanaka kusvikira mazviyera pamberi pavakuru vavaprista navaRevhi uye navakuru vemhuri dzavaIsraeri paJerusarema mumakamuri eimba yaJehovha.” 30Ipapo vaprista navaRevhi vakagamuchira sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene yakanga yaerwa kuti iendeswe kuimba yaMwari wedu muJerusarema.
31Pazuva regumi namaviri romwedzi wokutanga takabva parwizi rweAhavha tichienda kuJerusarema. Ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pamusoro pedu, uye akatidzivirira kubva kuvavengi navakanga vakativandira panzira. 32Saka takasvika muJerusarema tikazororamo kwamazuva matatu.
33Pazuva rechina, muimba yaMwari takayera sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene mumaoko aMeremoti mwanakomana waUria, muprista. Ereazari mwanakomana waFinehasi akanga aripowo naye, uye navaRevhi vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhia mwanakomana waBhinui. 34Zvinhu zvose zvakaverengwa uwandu hwazvo uye zvikayerwa, uye uremu hwazvo zvose hwakanyorwa panguva iyoyo.
35Ipapo vatapwa vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakabayira zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri: hando gumi nembiri dzavaIsraeri vose, makondobwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makono makumi manomwe namanomwe, uye nhongo dzembudzi gumi nembiri, sechipiriso chechivi. Zvose izvi zvaiva chipiriso chinopiswa kuna Jehovha. 36Vakapawo zvirevo zvamambo kumachinda amambo uye navabati mhiri kwaYufuratesi, avo vakazopawo rubatsiro kuvanhu nokuimba yaMwari.