Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 13

13
Bhanhire roMucheka
1Zvakanzi naJehovha kwandiri: “Enda unotenga bhanhire romucheka urisunge muchiuno chako, asi usarege richipinda mvura,” 2Saka ndakatenga bhanhire, sezvandakarayirwa naJehovha, ndokurisunga muchiuno changu.
3Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti, 4“Tora bhanhire rawakatenga, rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.” 5Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati sezvandakaudzwa naJehovha.
6Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.” 7Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose.
8Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, 9“Zvanzi naJehovha: ‘Nenzira imwe cheteyo ndichaodza kuzvikudza kweJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusarema. 10Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire uye vavanamate, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose! 11Nokuti sebhanhire rinosungwa muchiuno saizvozvo ndakasungira imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti vave vanhu vemukurumbira wangu, kurumbidzwa kwangu nokukudzwa kwangu. Asi havana kuteerera.’
Hombodo dzeWaini Dzamatehwe
12“Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini.’ Zvino kana vakati kwauri, ‘Ko, isu hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini?’ 13ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichadhakisa vose vanogara munyika ino, pamwe chete namadzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, navaprista navaprofita navose vanogara muJerusarema. 14Ndichavabonderedza mumwe kuno mumwe, madzibaba navanakomana saizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha. Handingabvumiri tsitsi kana ngoni dzangu kuti zvindidzivise kuvaparadza.’ ”
Dambudziko roKuendeswa kuUtapwa
15Inzwai, rerekai nenzeve dzenyu kwandiri,
musazvikudza,
nokuti Jehovha ataura.
16Rumbidzai Jehovha Mwari
wenyu asati auyisa rima,
makumbo enyu asati agumburwa
pamakomo erima.
Munotarisira chiedza,
asi iye achachishandura kuti chive mumvuri worufu,
uye achachiita rima guru.
17Asi kana musingateereri,
ndichachema pakavanda
nokuda kwokuzvikudza kwenyu;
Meso angu achachema zvikuru,
achiyerera misodzi,
nokuti boka ramakwai aJehovha richaendeswa kuutapwa.
18Uti kuna mambo nokuna mai vamambo,
“Burukai pazvigaro zvenyu zvoushe,
nokuti korona dzenyu dzokukudzwa
dzichawira pasi kubva pamisoro yenyu.”
19Maguta okuNegevhi achazarirwa,
uye hakuna munhu achaazarura.
VaJudha vose vachaendeswa kuutapwa,
vachaendeswa kure zvachose.
20Simudza meso ako uone
avo vanobva nechokumusoro.
Ko, boka ramakwai rawakapiwa kuti urichengete riripi,
iwo makwai awaizvirumbidza nawo?
21Uchati kudiniko kana Jehovha achiisa pamusoro pako
avo vawakadzidzisa seshamwari dzako dzakasarudzika?
Haungarwadziwi zvikuru here,
somukadzi osununguka mwana?
22Zvino kana ukazvibvunza pachako, uchiti:
“Sei izvi zvaitika kwandiri?”
zvaitika nokuda kwezvivi zvako zvizhinji,
kuti nguo dzako dzabvarurwa,
uye muviri wako ukasabatwa zvakanaka.
23Ko, muEtiopia angashandura ganda rake here,
kana ingwe mavara ayo?
Saizvozvowo imi hamungagoni kuita zvakanaka,
imi makarovedzera kuita zvakaipa.
24“Ndichakuparadzirai sehundi inopepereswa
nemhepo yomugwenga.
25Uyu ndiwo mugove wako,
ndicho chikamu chandakakutemera,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“nokuti wakandikanganwa
ukavimba navamwari venhema.
26Ndichafukura nguo dzako pamberi pako,
kuti kunyadziswa kwako kuonekwe,
27upombwe hwako nokufemhedza kworuchiva rwako,
iko kufeva kwako kusina nyadzi!
Ndakaona mabasa ako anonyangadza
awaiita pamusoro pezvikomo nomumunda.
Une nhamo, iwe Jerusarema!
Ucharamba usina kuchena kusvikira rinhiko?”

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 13: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda