Ipapo varwi vomubati vakatora Jesu vakaenda naye mumuzinda womubati uye vakaunganidza hondo yose paari. Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku. Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakamurova nayo mumusoro kakawanda. Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya. Uye vakagara pasi, vakamurinda. Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.” Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
Verenga chikamu Mateo 27
Terera ku Mateo 27
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 27:27-38
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo