Mapisarema 14
14
Pisarema 14
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
1Benzi rinoti mumwoyo maro,
“Hakuna Mwari.”
Vakaora, mabasa avo akashata;
hakuna anoita zvakanaka.
2Jehovha ari kudenga anotarira pasi
pamusoro pavanakomana vavanhu,
kuti aone kana aripo anonzwisisa,
naani zvake anotsvaka Mwari.
3Vose vakatsauka,
vose pamwe chete vakasvibiswa;
hakuna anoita zvakanaka,
kunyange nomumwe.
4Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here,
ivo vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa,
uye vasingadani kuna Jehovha?
5Pavari ipapo, vakazara nokutya,
nokuti Mwari ari paungano yavakarurama.
6Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo,
asi Jehovha ndiye utiziro hwavo.
7Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni!
Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake,
Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 14: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.