Genesi 29
29
Jakobho kumusha kwaRabhani
1Jakobho akasimukapo, akaenda kunyika yavanhu vamabvazuva. 2Akatarira, akaona tsime kusango, namapoka matatu amakwai avete pasi pariri; nokuti vainwisa mapoka avo patsime iroro; pamuromo wetsime iroro pakanga paine ibwe guru. 3Ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe pamuromo wetsime, vakanwisa makwai avo, vachidzoserazve ibwe pamuromo wetsime paugaro hwaro.
4Jakobho akati kwavari, “Hama dzangu, mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva Harani.”
5Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, mwanakomana waNahori, here?” Vakati, “Tinomuziva.”
6Akati kwavari, “Unofara here?” Ivo vakati, “Unofara hake; hoyo Racheri mukunda wake, wouya namakwai.”
7Akati, “Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.”
8Ivo vakati, “Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.”
9Akati achiri kutaura navo, Racheri akasvika namakwai ababa vake, nokuti ndiye aiva mufudzi wawo. 10Zvino Jakobho akati achiona Racheri, mukunda waRabhani, hanzvadzi yamai vake, Jakobho akaswedera, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake. 11Jakobho akatsvoda Racheri, akachema kwazvo. 12Jakobho akaudza Racheri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka.
Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake. 13Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose. 14Rabhani akati kwaari, “Zvirokwazvo uri pfupa rangu renyama yangu.” Akagara naye mwedzi wose. 15Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Ko ungandibatira usingapiwi mubairo, nokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubairo wako uve weiko.” 16Zvino Rabhani akanga ana vakunda vaviri; zita romukuru rakanga riri Rea, nezita romuduku Racheri. 17Rea akanga ana meso akaneta, asi Racheri akanga akanaka kwazvo pamuviri napachiso.
18Zvino Jakobho akanga achida Racheri, akati, “Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRacheri, mukunda wenyu muduku.”
19Rabhani akati kwaari, “Zviri nani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumwe murume; gara hako neni.” 20Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRacheri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda.
21Zvino Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu asvika, kuti ndipinde kwaari.” 22Rabhani akakoka vanhu vose voko, akaita mutambo. 23Zvino kuzoti ava madeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari. 24Rabhani akapa Rea, mukunda wake Ziripa, murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake. 25Zvino mangwana akaona kuti ndiRea; akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chawandiitira? Handina kukubatira pamusoro paRacheri here? Wandinyengedzera seiko?”
26Rabhani akati, “Hakunzarwo kuno kwedu, kuti munun'una atange kuwaniswa, mukuru achigere. 27Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve.”
28Jakobho akaita saizvozvo, akapedza vhiki yewaniso naye; akamupa Racheri, mukunda wake, kuti ave mukadzi wake. 29Rabhani akapa Racheri, mukunda wake, Bhiriha murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake. 30Akapindawo kuna Racheri, akada Racheriwo kupfuura Rea, akamubatira mamwe makore manomwezve.
31Zvino Jehovha akaona kuti Rea akanga asingadikanwi, akamuberekesa; asi Racheri akanga asingabereki. 32Rea akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Rubheni; nokuti wakati, “Jehovha akaona dambudziko rangu; nokuti zvino murume wangu achandida.” 33Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, naizvozvo akandipawo uyu;” akamutumidza zita rinonzi Simioni. 34Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Zvino nguva ino murume wangu achandinamatira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu;” naizvozvo zita rake rakanzi Revhi. 35Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha;” naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Judha; akaguma kubereka.
Zvasarudzwa nguva ino
Genesi 29: SUB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

: