Ruka 16
16
Mutariri asakarurama
1Zvino wakatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mupfumi, aiva nomutariri; iye akacherwa kwaari, zvichinzi anoparadza pfuma yake. 2Ipapo akamudana, akati kwaari, ‘Izvi zvandinonzwa pamusoro pako ndezveiko? Chizvidavirira pamusoro pohutariri hwako; nokuti haungazovi mutariri.’ 3Zvino mutariri akati mumwoyo make, ‘Ndichaiteiko, ishe wangu zvaanditorera hutariri hwangu? Handina simba rokurima naro; kukumbira ndinonyara. 4Ndinoziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pahutariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.’ 5Zvino akadana mumwe nomumwe akanga ane chikwereti nashe wake, akati kune wokutanga, ‘Une chikwereti chakadiniko kuna ishe wangu?’ 6Iye akati, ‘Makate ane zana amafuta.’ Akati kwaari, ‘Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.’ 7Akati kuno mumwe, ‘Ko iwe, une chikwereti chakadiniko?’ Iye akati, ‘Matengu ane zana ezviyo.’ Akati kwaari, ‘Tora runyoro rwako, unyore makumi masere.’ 8Ishe wake akarumbidza mutariri asakarurama, nokuti akanga aita nokuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera parudzi rwavo kukunda vana vechiedza.”
9Ndinoti kwamuri, “Muzviitire shamwari nepfuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi. 10Akatendeka pazvinhu zviduku–duku, akatendekawo pazvikuru; asi asakarurama pazvinhu zviduku–duku, haangaruramiwo pazvikuru. 11Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka papfuma isakarurama, ndianiko achakutendai nepfuma yechokwadi? 12Kana musina kuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko achakupai zvenyu?
13“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri, nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achinamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungashandirii Mwari nepfuma.”
Jesu anotuka VaFarisi
14Zvino VaFarisi, vakanga vachida mari, vakanzwa izvozvo zvose, vakamuseka.
15Akati kwavari, “Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyangadza pamberi paMwari.
16“Murairo navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kuna Johani; kubva panguva iyo ushe hwaMwari hunoparidzwa, mumwe nomumwe anopinda mahuri nesimba. 17Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti tsanga imwe yomurairo ikoneswe.
18“Mumwe nomumwe anoramba mukadzi wake, akawana mumwe, anoita upombwe; uye mumwe nomumwe anowana wakarambwa nomurume, anoita upombwe.
Mufananidzo womupfumi naRazaro
19“Mumwe mupfumi akanga aripo, aipfeka nguo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose.
20“Zvino mumwe murombo, ainzi Razaro, akanga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuwo rake, 21achida kuzvigutisa nezvaidonhera patafura romupfumi; kunyangwe nembwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.
22“Zvino murombo akati afa, vatumwa vakamuisa pachipfuva chaAbhurahamu. Mupfumi akafawo, akavigwa. 23Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akaona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. 24Akadanidzira, akati, ‘Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto.’ 25Abhurahamu akati, ‘Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako muupenyu hwako; naRazaro, saizvozvo akapiwa zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa. 26Uye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vokuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, novoko varege kuyambukira kwatiri.’ 27Ipapo akati, ‘Ndinokumbira kwamuri baba, kuti mumutumire kumba kwababa vangu; 28nokuti ndina vanun'una vashanu; kuti andonatsovapupurira, kuti varege kuuyawo panzvimbo ino yokurwadziwa.’ 29Abhurahamu akati, ‘Mosesi navaporofita vanavo, ngavavanzwe ivo.’ 30Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahamu, asi kana mumwe akabva kuvakafa, akaenda kwavari, vangatendeuka.’
31“Akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mosesi navaporofita, havangatendi, kunyangwe mumwe akamuka kuvakafa.’ ”
Zvasarudzwa nguva ino
Ruka 16: SUB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

: