Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 10:13-14 - Compare All Versions

1 Makoronike 10:13-14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha, haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira kumasvikiro kuti atungamirirwe. Haana kubvunza kuna Jehovha. Saka Jehovha akamuuraya akapa umambo kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.

Pakurirana nevamwe
1 Makoronike 10 BDSC

1 Makoronike 10:13-14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Naizvozvo Sauro akafa nokuda kwokudarika kwake kwaakaitira Jehovha, uye nokuda kweshoko raJehovha raasina kuchengeta; uye nokuti akatsvaka mano kusvikiro, kubvunza naro, akasabvunza Jehovha; naizvozvo wakamuuraya, akaisa ushe kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.

Pakurirana nevamwe
1 Makoronike 10 SNA2002

1 Makoronike 10:13-14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Nokudaro Sauro akafa pamusana pokusatendeka kwake. Paasina kutendeka kuna Tenzi ndeapa pokuti haana kuchengeta mutemo waTenzi uyewo akandobvunzira kune anosvikirwa achitsvaka mazano asingatsvake mazano kuna Tenzi. Naizvozvo Tenzi akamuuraya umambo ndokuhuisa pana Dhavhidhi mwanakomana waJese.

Pakurirana nevamwe
1 Makoronike 10 SCLBD

1 Makoronike 10:13-14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Naiɀoɀo Sauro akafa nokuɗa kwokuɗarika kwake kwaakaitira Jehova, ʋuye nokuɗa kweshoko raJehova raasina‐kuceŋgeta; ʋuye nokuti wakatȿaka mano kuȿikiro, kubvunza naro, akasabvunza Jehova; naiɀoɀo wakamuʋuraya, akaisa ʋushe kunaDavidi mŋanakomana waJese.

Pakurirana nevamwe
1 Makoronike 10 SUB1949

1 Makoronike 10:13-14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Nokudaro Sauro akafa pamusana pokusatendeka kwake. Paasina kutendeka kuna Tenzi ndeapa pokuti haana kuchengeta mutemo waTenzi uyewo akandobvunzira kune anosvikirwa achitsvaka mazano asingatsvake mazano kuna Tenzi. Naizvozvo Tenzi akamuuraya umambo ndokuhuisa pana Dhavhidhi mwanakomana waJese.

Pakurirana nevamwe
1 Makoronike 10 SCLB