1 VaKorinde 3:3-5
1 VaKorinde 3:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamusi venyika here? Ko, hamusi kufamba savanhuwo zvavo here? Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporosi,” ko, hamusi vanhuwo zvavo here? Aporosi chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe.
1 VaKorinde 3:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutoo wavanhu here? Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro;” mumwe, “Ini ndiri waAporo;” ko hamuzi vanhu here? Zvino Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naIshe.
1 VaKorinde 3:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chikonzero ndechokuti muchiri vanhu venyama, nokuti kana pachine shanje nokukakavadzana pakati penyu, hamusi vanhu venyama here muchizvibata savanhuwo zvavo? Ko kana munhu achiti ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi hamusati muchingova vanhu chete here? Ko iye Aporosi chiiwo zvake? Pauro chinyi? Varanda. Imi makawana chitendero chenyu nemavari sokupiwa kwakaitwa mumwe nomumwe wavo.
1 VaKorinde 3:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti muciri ʋenyama; nokuti ɀapacinegoɗo pakati penyu, negakaʋa, ko hamuzi ʋenyama, mucifamba nomutoʋo waʋanhu here? Nokuti kana mumŋe aciti: Ini ndiri waPauro; mumŋe: Ini ndiri waAporo; ko hamuzi ʋanhu here? Ɀino Aporo cinyiko? Pauro cinyiko? Ʋashumiri ʋamakatenda naʋo, mumŋe nomumŋe seɀaakapiwa naShe.
1 VaKorinde 3:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)