1 VaKorinde 9:25-26
1 VaKorinde 9:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumhanyi wose anozvibata muna zvose. Vanozviita kuti vawane ndaza inoparara asi isu tinozviitira ndaza isingaparari. Saka handingomhanya chimhanyemhanye. Handirove zvibhakera somunhu anorova mhepo.
1 VaKorinde 9:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vose vanopinda mumutambo vanozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi. Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo.
1 VaKorinde 9:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe nomumwe, anoshingaira pakutamba, anozvidzora pazvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu kuti tiwane isingaori. Zvino ini handimhanyi somunhu asingazivi; handirwi somunhu anorova mhepo
1 VaKorinde 9:25-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe nomumŋe, unoshiŋgaira pakutamba, unoɀidzora paɀose. Ɀino iʋo ʋanoɀiita kuti ʋawane korona inoʋora, asi isu kuti tiwane isiŋgaʋori. Ɀino ini handimhanyi somunhu usiŋgaziʋi; handirwi somunhu unoroʋa mhepo