1 Madzimambo 17:10 - Compare All Versions
1 Madzimambo 17:10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo akaenda kuZarefati. Paakasvika pasuo reguta, chirikadzi yakanga iripo ichitsvaga huni. Akamudana akamubvunza akati, “Mungandivigirawo mvura shoma shoma mumukombe here kuti ndinwe?”
1 Madzimambo 17:10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, “Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndinwe.”
1 Madzimambo 17:10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Naizvozvo Eriya akasimuka akaenda Zarefati akasvika pasuo guru reguta iri wanei pane chirikadzi ichitsvaka huni. Akadaidzira kwairi achiti, “Ndiigireiwo tumvura mumudziyo ndingonwawo.”
1 Madzimambo 17:10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Naiɀoɀo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati aȿika pasuʋo reguta, akaʋona cirikadzi yakaŋga igere’po, iciʋuŋganidza ʋutsotso; akamuɗana, akati: Nditorere ʋo mvura shomanene mumukombe, ndinwe.
1 Madzimambo 17:10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Eriya akasimuka akaenda Zarefati akasvika pasuo guru reguta iri wanei pane chirikadzi ichitsvaka huni. Akadaidzira kwairi achiti, “Ndiigireiwo tumvura mumudziyo ndingonwawo.”