Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 17:12 - Compare All Versions

1 Madzimambo 17:12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa. Ndinongova netufurawu tushoma shoma muhari namafuta mashoma shoma muhari. Ndiri kunhonga huni shoma shoma kuti ndiende nadzo kumba ndinozvibikira kudya ini nomwanakomana wangu, kuti tigodya, tife hedu.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 17 BDSC

1 Madzimambo 17:12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Iye akati, “NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 17 SNA2002

1 Madzimambo 17:12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mudzimai akati, “NaTenzi chaiye, Mwari wenyu mupenyu hakuna chandati ndabika. Chiriko, katsama bedzi koupfu mumudziyo notumafuta tushomanana muguchu. Chandiri kungoita, kunonga-nonga tukuni utwu kuti ndizondobikira ini nomwana wangu mukomana tidye tichifa zvedu.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 17 SCLBD

1 Madzimambo 17:12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Iye akati: NaJehova Mŋari wenyu mupenyu, handineciŋgwa, asi tsama imŋe yoʋupfu muɗende, namafuta mashomanene mucinu; tarirai, ndakaŋga ndiciʋuŋganidza ʋutsotso ʋuʋiri, ndiciti ndoenda ndiɀigadzirire ini nomŋanakomana waŋgu, tidye, tife heɗu.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 17 SUB1949

1 Madzimambo 17:12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mudzimai akati, “NaTenzi chaiye, Mwari wenyu mupenyu hakuna chandati ndabika. Chiriko, katsama bedzi koupfu mumudziyo notumafuta tushomanana muguchu. Chandiri kungoita, kunonga-nonga tukuni utwu kuti ndizondobikira ini nomwana wangu mukomana tidye tichifa zvedu.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 17 SCLB