Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 17:14 - Compare All Versions

1 Madzimambo 17:14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Furawu iri muhari imomo haizoperi uye mafuta ari muhari haazoperi kusvikira zuva iro richanayiswa mvura panyika naJehovha.’ ”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 17 BDSC

1 Madzimambo 17:14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Upfu huri mudende haungaperi, namafuta ari muchinu haangashaikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanaisa naro mvura panyika.’ ”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 17 SNA2002

1 Madzimambo 17:14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Upfu hwomumudziyo iwoyo hauchambopera uye mafuta omuguchu racho haachambokwengurwa kusvikira musi uchanayiswa mvura naTenzi panyika.’ ”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 17 SCLBD

1 Madzimambo 17:14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ʋupfu bguri muɗende habguŋgaperi, namafuta ari mucinu haaŋgashaikwi, kuȿikira pazuʋa Jehova raacanisa naro mvura panyika.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 17 SUB1949

1 Madzimambo 17:14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Upfu hwomumudziyo iwoyo hauchambopera uye mafuta omuguchu racho haachambokwengurwa kusvikira musi uchanayiswa mvura naTenzi panyika.’ ”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 17 SCLB