Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 19:10 - Compare All Versions

1 Madzimambo 19:10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 BDSC

1 Madzimambo 19:10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Iye akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana vaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SNA2002

1 Madzimambo 19:10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu, vakapunza atari dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara, vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SCLBD

1 Madzimambo 19:10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Iye akati: Ndakaŋga ndicishiŋgairira Jehova Mŋari wehondo kwaɀo, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarasha suŋgano yenyu, ʋakaputsa artari dzenyu, nokuʋuraya ʋaprofita ʋenyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara haŋgu; ɀino ʋotȿaka kundiʋuraya.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SUB1949

1 Madzimambo 19:10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu, vakapunza atari dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara, vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SCLB