Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 19:11 - Compare All Versions

1 Madzimambo 19:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Jehovha akati, “Buda panze umire pagomo pamberi paJehovha, nokuti Jehovha ari kuda kuzopfuura nepo.” Ipapo mhepo huru ine simba yakapamura makomo ikapwanya mabwe pamberi paJehovha, asi Jehovha akanga asiri mumhepo. Mushure memhepo, pakava nokudengenyeka kwenyika, asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka ikoko.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 BDSC

1 Madzimambo 19:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Iye akati, “Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha.” Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha wakanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha wakanga asiri mukudengenyeka kwenyika.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SNA2002

1 Madzimambo 19:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Akati, “Buda undomira pagomo apo pana Tenzi.” Tenzi akapfuura nepo, dutu guru remhepo, rine simba rikatsemuranisa makomo rikapwanyanisa matombo pana Tenzi. Asi Tenzi akanga asiri mudutu imomo. Mushure medutu iri kwakave nokundengendeka kwenyika, asi Tenzi akanga asiri mukundengendeka ikoku.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SCLBD

1 Madzimambo 19:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Iye akati: Enda, undomira pagomo pamberi paJehova. Ɀino Jehova akapfuʋura’po, mhepo huru inesimba ikapamura makomo, ikaputsanya mabge pamberi paJehova; asi Jehova wakaŋga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuʋura, kuɗeŋgenyeka kwenyika kukaʋa’po; asi Jehova wakaŋga asiri mukuɗeŋgenyeka kwenyika.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SUB1949

1 Madzimambo 19:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Akati, “Buda undomira pagomo apo pana Tenzi.” Tenzi akapfuura nepo, dutu guru remhepo, rine simba rikatsemuranisa makomo rikapwanyanisa matombo pana Tenzi. Asi Tenzi akanga asiri mudutu imomo. Mushure medutu iri kwakave nokundengendeka kwenyika, asi Tenzi akanga asiri mukundengendeka ikoku.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SCLB