1 Madzimambo 19:19 - Compare All Versions
1 Madzimambo 19:19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Eria akabvapo akandowana Erisha mwanakomana waShafati. Akanga achirima nehando dzakasungwa pamajoko gumi namaviri, iye achichaira joko regumi namaviri. Eria akaenda kwaari akakanda jasi rake paari.
1 Madzimambo 19:19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo akabvapo, akandowana Erisha mwanakomana waShafati, wakanga achirima nenzombe dzakasungwa pamajoko ane gumi namaviri, iye ari pajoko regumi namaviri; Eria akapfuura nokwaari, akakanda nguo yake pamusoro pake.
1 Madzimambo 19:19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Saizvozvo Eriya akabva ipapo akandowana Erisha mwanakomana waShafati achirima aine nzombe dzakabopwa pamajoko gumi namaviri iye ari pane regumi nerechipiri racho. Eriya akapfuura nepaari akapaikira hanzu yake pana Erisha.
1 Madzimambo 19:19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Naiɀoɀo akabva’po, akandowana Erisha mŋanakomana waShafati, wakaŋga acirima nenzombe dzakasuŋgwa pamajoko anegumi namaʋiri, iye ari pajoko regumi namaʋiri; Eria akapfuʋura nokwaari, akakanda ŋguʋo yake pamsoro pake.
1 Madzimambo 19:19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)