Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 19:4 - Compare All Versions

1 Madzimambo 19:4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

iye pachake akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda mugwenga. Akasvika pamuti womurara, akagara pasi pawo akanamata kuti achifa. Akati, “Zvaringana hazvo, Jehovha. Chitorai upenyu hwangu; handipfuuri madzitateguru angu pakururama.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 BDSC

1 Madzimambo 19:4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SNA2002

1 Madzimambo 19:4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi iye akafamba rwendo rwomuswere wose wezuva achienda mugwenga. Akasvika akagara zvake munyasi mechigwenzi chomutsvairo achitokumbira kuti dai achisva afa zvake achiti, “Zvakwana zvino izvi Tenzi, chitonditorai zvenyu ndife nokuti chandazovawo nani kumadzibaba angu hapana.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SCLBD

1 Madzimambo 19:4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi iye wakafamba rwendo rwezuʋa rimŋe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati: Ɀariŋgana haɀo; ɀino Jehova, citorai henyu ʋupenyu bgaŋgu, nokuti handipfuʋuri madziɓaɓa aŋgu pakururama.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SUB1949

1 Madzimambo 19:4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi iye akafamba rwendo rwomuswere wose wezuva achienda mugwenga. Akasvika akagara zvake munyasi mechigwenzi chomutsvairo achitokumbira kuti dai achisva afa zvake achiti, “Zvakwana zvino izvi Tenzi, chitonditorai zvenyu ndife nokuti chandazovawo nani kumadzibaba angu hapana.”

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 19 SCLB