1 Madzimambo 3:7 - Compare All Versions
1 Madzimambo 3:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino, Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi. Asi ini ndinongova hangu mwana mudiki uye handizivi mashandiro andingaita mabasa angu.
1 Madzimambo 3:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, asi ndiri mwana hangu, handizivi mutowo wokubuda nawo kana kupinda nawo.
1 Madzimambo 3:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvino Tenzi Mwari wangu, imi ndimi makaita kuti ini muranda wenyu ndive mambo panzvimbo pababa wangu Dhavhidhi, asi ini ndiri mwana muduku handigoni kutungamira.
1 Madzimambo 3:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino, Jehova Mŋari waŋgu, makaita muranda wenyu mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋaŋgu Davidi, asi ndiri mŋanana haŋgu, handiziʋi mutoʋo wokuɓuɗa nawo kana kupinda nawo.
1 Madzimambo 3:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Tenzi Mwari wangu, imi ndimi makaita kuti ini muranda wenyu ndive mambo panzvimbo pababa wangu Dhavhidhi, asi ini ndiri mwana muduku handigoni kutungamira.