1 Madzimambo 3:9 - Compare All Versions
1 Madzimambo 3:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti atonge vanhu venyu, kuti ndikwanise kuziva zvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani angagone kutonga vanhu venyu vakawanda kudai?”
1 Madzimambo 3:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa; nokuti ndianiko anogona kutamba mhaka dzavanhu venyu ava vakawanda?”
1 Madzimambo 3:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Dai mukachindipawo ini muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti ndiwane matongero vanhu venyu ndichanyatsoona pakanaka nepakaipa nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai?”
1 Madzimambo 3:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Naiɀoɀo ipai muranda wenyu mŋoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzaʋanhu ʋenyu, ndiziʋe kutsaura pakati peɀakanaka neɀakaipa; nokuti ndianiko unogona kutamba mhaka dzaʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda?
1 Madzimambo 3:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai mukachindipawo ini muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti ndiwane matongero vanhu venyu ndichanyatsoona pakanaka nepakaipa nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai?”