Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 9:3 - Compare All Versions

1 Madzimambo 9:3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Jehovha akati kwaari: “Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chawaita pamberi pangu; temberi iyi yawavaka ndaiita tsvene, nokuisa Zita rangu mairi nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvichavamo nguva dzose.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 9 BDSC

1 Madzimambo 9:3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Jehovha akati kwaari, “Ndakanzwa kunyengetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi pangu; ndakatsaura imba iyi yawakavaka, kuti ndiise zita rangupo nokusingaperi; meso angu nomwoyo wangu zvichavapo nguva dzose.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 9 SNA2002

1 Madzimambo 9:3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Tenzi akati kwaari, “Munamato wako wawakaita nechichemo chako chawakasvitsa kwandiri ndazvinzwa. Imba iyi yawakavaka ndaiita kuti ive imba inoera uye ndaisa zita rangu pairi nokusingaperi ziso rangu harichabva pairi, uyewo mwoyo wangu ucharamba uri pairi.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 9 SCLBD

1 Madzimambo 9:3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Jehova akati kwaari: Ndakanzwa kunyeŋgetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi paŋgu; ndakatsaura imba iyi yawakaʋaka, kuti ndiise zita raŋgu’po nokusiŋgaperi; meso aŋgu nomŋoyo waŋgu ɀicaʋa’po ŋguʋa dzose.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 9 SUB1949

1 Madzimambo 9:3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Tenzi akati kwaari, “Munamato wako wawakaita nechichemo chako chawakasvitsa kwandiri ndazvinzwa. Imba iyi yawakavaka ndaiita kuti ive imba inoera uye ndaisa zita rangu pairi nokusingaperi ziso rangu harichabva pairi, uyewo mwoyo wangu ucharamba uri pairi.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 9 SCLB