1 Madzimambo 9:4-5 - Compare All Versions
1 Madzimambo 9:4-5 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino iwe, kana ukafamba pamberi pangu nomwoyo wakanaka nokururama, sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandinorayira uye ukatevera mitemo nemirayiro yangu, ndichasimbisa chigaro chako choushe pamusoro peIsraeri nokusingaperi sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hapangashayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’
1 Madzimambo 9:4-5 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako Dhavhidhi nomwoyo usinganyengeri, nokururama, ukaita zvose zvandakakuraira ukachengeta zvandatema nezvandatonga, ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, ‘Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri.’
1 Madzimambo 9:4-5 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Chako iwe dai zvako ukangofamba nemandakatema sezvaiita baba vako Dhavhidhi wakatendeseka uri pachokwadi uchiita naimomo mandakati uite uchichengeta mirao nezvirevo zvangu kana wadaro ndichaita kuti umambo hwako hwokwaIsiraeri hudzike midzi narini wose. Sokutsidzira kwandakaita baba vako Dhavhidhi ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo.’
1 Madzimambo 9:4-5 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Kana uri’we, kana ukafamba pamberi paŋgu saɓaɓa ʋako Davidi nomŋoyo usiŋganyeŋgeri, nokururama, ukaita ɀose ɀandakakuraira, ukaceŋgeta ɀandatema neɀandatoŋga, ipapo ini ndicasimbisa cigaro cako coʋushe pakati paIsraeri nokusiŋgaperi, seɀandakapikira ɓaɓa ʋako Davidi, ndiciti: Hauŋgashaiwi munhu ucagara pacigaro coʋushe caIsraeri.
1 Madzimambo 9:4-5 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)