1 Samueri 1:11
1 Samueri 1:11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akapika mhiko, akati: Jehova wehondo, kana mukaʋa nehanya kwaɀo nokutambudzika kwomurandakadzi wenyu, mukandiraŋgarira, mukasakaŋganwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mŋana womukomana, ipapo ndicamupa Jehova mazuʋa ose oʋupenyu bgake, musoro wake hauŋgaʋeʋurwi neciȿo.
1 Samueri 1:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Akapika mhiko achiti, “Tenzi Samasimbaose! Kana imi mukanyatsoongorora zvenyu kutambura kwandiri kuita ini muranda wenyu, uye mukandiyeuka mukarega kundikanganwa, mukandipawo zvenyu mwana mukomana, ndinomupa kwamuri imi Tenzi upenyu hwake hwose, haazombofa akaveurwa musoro.”
1 Samueri 1:11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye akaita mhiko achiti, “Jehovha Wamasimba Ose, dai mukangotarira bedzi pamusoro pokutambura kwomuranda wenyu mugondirangarira, mugorega kukanganwa muranda wenyu asi mumupe mwanakomana, ipapo ndichamupa kuna Jehovha kwamazuva ose oupenyu hwake, uye hakuna chisvo chichashandiswa pamusoro wake.”
1 Samueri 1:11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akapika mhiko, akati, “Jehovha wehondo, kana mukava nehanya kwazvo nokutambudzika kwomurandakadzi wenyu, mukandirangarira, mukasakanganwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mwana womukomana, ipapo ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, musoro wake haungaveurwi nechisvo.”
1 Samueri 1:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)