1 Samueri 11:6-7
1 Samueri 11:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sauro paakanzwa mashoko aya, mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akatsva nehasha. Akatora hando mbiri, akadzicheka-cheka, akatumidzira zvidimbu izvi nenhume muIsraeri yose, namashoko okuti, “Izvi ndizvo zvichaitwa kuhando dzaani naani asingateveri Sauro naSamueri.” Ipapo kutya kwaMwari kwakawira pamusoro pavanhu, vakauya somunhu mumwe chete.
1 Samueri 11:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, achinzwa mashoko iwayo, kutsamwa kwake kukamutswa kwazvo. Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, “Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo.” Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose‐vose.
1 Samueri 11:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro paakazvinzwa Mweya waMwari wakauya paari nesimba guru kwazvo akaviruka kwazvo nehasha. Akabaya nzombe mbiri ndokudzicheka-cheka, ndokutumira nhindi dzenyama nenhume munyika yose yeIsiraeri achiti, “Izvi ndizvo zvichaitwa nzombe yomunhu wose anenge asina kubuda naSauro naSamueri!” Vanhu vakatya Tenzi vakabuda vose pamwechete.
1 Samueri 11:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mŋeya waMŋari wakaʋuya pamsoro paSauro nesimba, acinzwa mashoko iwayo, kutsamŋa kwake kukamutswa kwaɀo. Akatora nzombe mbiri, akadziguranya, ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsraeri namaʋoko enhume, akati: Aninani unoramba kuɓuɗa nokuteʋera Sauro naSamueri, ucaitirwa nzombe dzake saiɀoɀo. Ɀino kutya, kwakabva kunaJehova, kwakaɓata ʋanhu, ʋakaɓuɗa ʋose‐ʋose.
1 Samueri 11:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)