1 Samueri 15:22
1 Samueri 15:22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda chibayiro, uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe.
1 Samueri 15:22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Samueri akati, “Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera izwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe.
1 Samueri 15:22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Samueri ndokutiwo, “Tenzi anofarira here mipiro yokupisa kana kuti zvibayiro? Handiti Tenzi anotofarira kuti izwi rake riteererwe? Chinzwa! Kuteerera kuri nani pane kupira chibayiro, kuva unonzwa kuri nani pane kupira mafuta ehondohwe
1 Samueri 15:22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Samueri akati: Ko Jehova uŋgafarira ɀipiriso ɀinopiswa neɀiɓayiro, seɀaanofarira kuterera inzwi raJehova here? Tarira, kuterera kunokunda ɀiɓayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondobge.
1 Samueri 15:22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)