1 Samueri 15:23
1 Samueri 15:23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka, uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo. Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha, naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.”
1 Samueri 15:23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kumukira Jehovha kwakafanana nechivi chokuuka, uye kusindimara kwakafanana nokunamata kuzvifananidzo neterafimi. Zvawakaramba shoko raJehovha, naiye wakakurambawo kuti urege kuva mambo.”
1 Samueri 15:23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti kupanduka chitadzo chimwechetecho nokushopera, kuzvitutumadzawo chiri chimwecho nouipi nokunamata zvifananidzo. Zvawaramba kuteerera Tenzi, naiyewo akurambawo paumambo.”
1 Samueri 15:23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kumukira Jehova kwakafanana neciʋi cokuʋuka, ʋuye kusindimara kwakafanana nokunamata kuɀifananidzo neterafimi. Ɀawakaramba shoko raJehova, naiye wakakuramba ʋo, kuti urege kuʋa mambo.