1 Samueri 17:46
1 Samueri 17:46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu, uye ndichakuuraya ndigokugura musoro wako. Nhasi ndichapa mitumbi yehondo yavaFiristia kushiri dzedenga nokuzvikara zvenyika, uye nyika yose ichaziva kuti muIsraeri muna Mwari.
1 Samueri 17:46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.”
1 Samueri 17:46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhasi uno Tenzi achakuisa mumaoko angu, ndichakuuraya ndokudimura musoro. Iye nhasi uno wakare ndichapa zvitunha zvehondo yavaFirisitia kushiri dzedenga nokuzvikara zvapasi pano zvigozivikanwa pasi pose kuti muIsiraeri muna Mwari.
1 Samueri 17:46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nhasi Jehova ucakuisa muruʋoko rwaŋgu; ndicakuʋuraya, ndicakugura musoro wako, ndicapa shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika ɀitunha ɀehondo dzaʋaFiristia nhasi, kuti nyika yose iziʋe kuti Mŋari uri’po pakati paIsraeri.
1 Samueri 17:46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)