1 Samueri 18:7-8
1 Samueri 18:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pavaitamba, vaiimba vachiti: “Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, naDhavhidhi makumi ezviuru zvamazama ake.” Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?”
1 Samueri 18:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati, “Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake.” Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, “Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?”
1 Samueri 18:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakadzi ava vachidairana vachipembera kufara vachiti, “Sauro wakauraya zviuru asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru.” Izvi hazvina kufadza Sauro, akatsamwa kwazvo nezvaitaurwa. Akati, “Heya vava kutopa zvavo Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru nhai? Ini vachindipa zviuru chete? Chavasara kumupa zvino ipapa chii, umamboka chete?”
1 Samueri 18:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakadzi ʋakaimba ʋacibvumirana pakuridza kwaʋo, ʋakati: Sauro wakaʋuraya ɀuru ɀamazana ake, Asi Davidi makumi eɀuru ɀamazana ake. Sauro akatsamŋa kwaɀo, shoko iri rikasamufadza, akati: Ʋakapa Davidi makumi eɀuru ɀamazana, asi ini ʋakandipa ɀuru ɀoga; caanoshaiwa ɀino cinyiko, asi ʋushe bgoga?
1 Samueri 18:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)