1 Samueri 23:16-17 - Compare All Versions
1 Samueri 23:16-17 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jonatani mwanakomana waSauro akaenda kuna Dhavhidhi paHoreshi akamubatsira kuti awane simba muna Mwari. Akati kwaari, “Usatya. Baba vangu Sauro havasi kuzokubata. Iwe uchava mambo weIsraeri, uye ini ndichava wechipiri kwauri. Kunyange baba vangu Sauro vanozviziva izvi.”
1 Samueri 23:16-17 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jonatani mwanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kuna Dhavhidhi mudondo, akamusimbisa muna Mwari. Akati kwaari, “Usatya, nokuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo waIsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva.”
1 Samueri 23:16-17 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jonatani, mwana waSauro akasimuka akaenda kuna Dhavhidhi kuHoreshi, akamusimbisa muna Mwari. Akamuti, “Usatye zvako nokuti baba vangu havambofa vakakunonga. Iwe ndiwe uchatova mambo weIsiraeri iniwo ndiri mutevedzeri wako. Baba vangu Sauro vanotozvizivawo.”
1 Samueri 23:16-17 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo Jonatani mŋanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kunaDavidi muɗondo, akamusimbisa munaMŋari. Akati kwaari: Usatya, nokuti ruʋoko rwaɓaɓa ʋaŋgu Sauro haruŋgakuwani; ucaʋa mambo waIsraeri, neni ndicaʋa muɗuku kwauri; naɓaɓa ʋaŋgu Sauro ʋanoɀiziʋa.
1 Samueri 23:16-17 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)