Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 24:5-6 - Compare All Versions

1 Samueri 24:5-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Shure kwaizvozvo Dhavhidhi akarohwa nehana nokuda kwokuti akanga acheka kona yenguo yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kuita chinhu chakadai kuna tenzi wangu, muzodziwa waJehovha.”

Pakurirana nevamwe
1 Samueri 24 BDSC

1 Samueri 24:5-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi pashure hana yaDhavhidhi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakanga agura nguo yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.”

Pakurirana nevamwe
1 Samueri 24 SNA2002

1 Samueri 24:5-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Hana yaDhavhidhi yakarova nokucheka kwaakanga aita chipenga chehanzu yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudze ruoko rwangu kuita chinhu chakaipa kuna tenzi wangu, muzodzwa waTenzi. Kwete. Muzodzwaka waTenzi uyu.”

Pakurirana nevamwe
1 Samueri 24 SCLBD

1 Samueri 24:5-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi pashure hana yaDavidi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakaŋga agura ŋguʋo yaSauro. Akati kuʋanhu ʋake: Jehova ŋgaandidziʋise, ndirege kuitira ishe waŋgu, muzodzwa waJehova, cinhu cakaɗai, nditambanudzire ruʋoko rwaŋgu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehova.

Pakurirana nevamwe
1 Samueri 24 SUB1949

1 Samueri 24:5-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Hana yaDhavhidhi yakarova nokucheka kwaakanga aita chipenga chehanzu yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudze ruoko rwangu kuita chinhu chakaipa kuna tenzi wangu, muzodzwa waTenzi. Kwete. Muzodzwaka waTenzi uyu.”

Pakurirana nevamwe
1 Samueri 24 SCLB