1 Samueri 28:5-6 - Compare All Versions
1 Samueri 28:5-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akati aona varwi vavaFiristia, akatya; kutya kwakazadza mwoyo wake. Akabvunza kuna Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura nezviroto kana neUrimi kana navaprofita.
1 Samueri 28:5-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro wakati achiona hondo dzavaFirisitia, akatya, mwoyo wake ukadedera kwazvo. Sauro akabvunza Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura, kunyange pakurota, kana neUrimi, kana navaporofita.
1 Samueri 28:5-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Sauro paakaona hondo yavaFirisitia akadedera kwazvo nokutya. Akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, asi Tenzi haana kumupindura kana muzviroto kana neurimu kunyange nokuvaporofita.
1 Samueri 28:5-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Sauro wakati aciʋona hondo dzaʋaFiristia, akatya, mŋoyo wake ukaɗeɗera kwaɀo. Sauro akabvunza Jehova, asi Jehova haana‐kumupindura, kunyaŋge pakurota, kana neUrimi, kana naʋaprofita.
1 Samueri 28:5-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro paakaona hondo yavaFirisitia akadedera kwazvo nokutya. Akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, asi Tenzi haana kumupindura kana muzviroto kana neurimu kunyange nokuvaporofita.